Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti ivo nebato ravo vachatambira zvichabuda musarudzo.
Amai Marcolus, avo vari kukwikwidzana nenhengo dzemapato anosanganisira Zanu PF neMDC-T yaVaNelson Chamisa, vanoti dambudziko ravo nderekushaiwa zvikwanisiro zvekushandisa mukutsvaga rutsigiro zvakaita semari.
Vari kutungamira chikwata chavanasorojena uye vaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKoffi Annan, vapinda munyika kuzoona kugadzirira kwakaita Zimbabwe pamberi pesarudzo dziri kuitwa musi wa 30 Chikunguru gore rino.
Mapurisa eZimbabwe Republic Police akaparura chirongwa chakanangana nekudzivirira mhirizhonga kumadzimai nevanasikana, zvikuru munguva dzesarudzo.
Mutungamiri we National Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti ivo chete ndivo munhu anokodzera kuva mutungamiri wenyika sezvo vaine nhoroondo inozivikanwa.
Muchuchisi mukuru wenyika, kana kuti Prosecutor-General, Advocate Ray Goba, vamiswa basa chiriporipotyo vachipomerwa mhosva dzine chitsama dzinosanganisira kukundikana kuroverera kumatare edzimhosva vanhu vanozivikanwa kunzi vakapara dzimhosva.
Mutungamiri weMDC-T uye vari vachamirira mubatanidzwa weMDc Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, vashora mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekushungurudza kwavanoti vari kuita vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Mukuru wesangano iri, VaClaris Madhuku, vanoti chirongwa chavo chakananganawo nekukurudzira vanhu kuti vavhote murunyararo.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nezuro zvakabatana nezvizvarwa zvenyika iyi mukupemberera pamwe nekucherechedza makore mazana maviri nemakumi mana nemaviri America yawana kuzvitonga kubva kuBritain.
Nhengo dzesangano revakaremara reNational Council of Disabled Persons of Zimbabwe muMberengwa mudunhu reMidlands dziri kutarisira kuita musangano nevamiriri vehurumende nemusi weChitatu svondo rino kuti vazeye nezvematambudziko anosangana nevakaremara.
Sangano rezvehupfumi kuchamhembe kweAfrica, reMacroeconomic and Financial Management Institute of Eastern and Southern Africa, (MEFMI) rinoti hupfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kukura nezvikamu zvina zvine chidimbu kubva muzana (4.5%) mugore rino ra 2018 nekuda kwechivimbo chitsva munyaya dzezveupfumi chakaunzwa nehurumende itsva yave kutonga.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kunongedza munwe kuchikwata cheG40 kuti ndicho chine chekuita nechombo chakaputika kumusangano wavo kuBulawayo neMugovera wapera.
Bato reZanu PF rinoti ranga risingatarisiri chiitiko chemusi weMugovera kuBulawayo apo pakaputika chombo chakakuwadza vanhu makumi mana nevapfumbawe, vaviri vavo vakazofira kuchipatara.
Bato reMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe riri kuronga kupinda mumatunhu emuHarare neMugovera richiratidza kuvatsigiri varo mutungamiri webato pamwe nevachakwikwidza musarudzo.
Transform Zimbabwe inoti semamwe mapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance, inoshushikana kwazvo nekunyoresa kwakaita nhengo dzeMDC-T inotungamirirwa naVaChamisa kuti dzikwikwidze mumatunhu adzinoziva kuti akapiwa mamwe mapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance.
Vatsigiri venhabvu vari kutevera zvikwata zveku Africa zviri kumakwikwi eWorld Cup kuRussia vari kuramba vachirwadziswa mwoyo mushure mekunge chikwata cheTunisia charohwa 2-1 neEngland mumutambo wacho wekutanga muGroup G wakatambwa neMuvhuro.
Germany, iyo ine mukombe weWorld Cup, neMuvhuro yakarohwa 1-0 neMexico izvo zvakanga zvisingatarisirwi sezvo vanhu vazhinji vakanga vakaisa mari dzavo paGermany.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti hurongwa hweZEC hwekuda kupinza vashandi vanovhotesa musarudzo vakawanda kudarika vakashanda musarudzo dzemuna 2018 rinofanirwa kungwarirwa sezvo pachizokwanisa kuiswa dzimwe nzvimbo dzekuvhotera dziri kunze kwedzakashandiswa mukunyoresa kuvhota.
Rodhai zvimwe