Accessibility links

Breaking News

Nyika dzekuAfrica Dzotatarika kuWorld Cup


Murairidzi wechikwata chevechidiki cheSouth Berkeley, chiri kuWest Virginia, Jonah Masiya
Murairidzi wechikwata chevechidiki cheSouth Berkeley, chiri kuWest Virginia, Jonah Masiya

Zviri kubuda kumakwikwi enhabvu epasi rose eWorld Cup kuRussia zviri kuratidza kuti zvikwata zvenyika dzine mukurumbira munhabvu zviri kukanganiswa nezvikwata zvidiki, izvo zviri kuratidza kusimba kudarika zvanga zvichitarisirwa.

Germany, iyo ine mukombe weWorld Cup, neMuvhuro yakarohwa 1-0 neMexico izvo zvakanga zvisingatarisirwi sezvo vanhu vazhinji vakanga vakaisa mari dzavo paGermany.

Imwe nyika inozivikanwa zvikuru munyaya dzenhabvu, Brazil, yakamanikidzwa kuita mangange 1-1 neSwitzerland nemusi weSvondo mushure mekunge Argentina yabatwawo muswe neIceland neMugovera padzakaita mangange 1-1.

Asi zvikwata zvekuAfrica zvatamba mitambo yazvo yekutanga kusvika pari zvino hapana chati chabudirira.

Nemusi weChishanu Egypt yakarohwa 1-0 neUruguay mumutambo unonzi nevakawanda Egypt yayakundikana sezvo shasha yayo Mohamed Salah akanga asimo muchikwata chakarohwa ichi. Morocco yakashaiswawo mufaro zvakare neIran mushure mekurohwawo nechibodzwa chimwe chete iyo ichikundikana kukandawo mumambure.

Mutambo wakatambwa Mugovera nechikwata chekuAfrica wakasuvisa zvakare mhomho yevatsigiri venhabvu vemudunhu iri mushure mekunge Nigeria, iyo yaitarisirwa nevakawanda kuti ndiyo nyika yemuAfrica yekutanga ichatora mapoinzi matatu, yakarakashwa 2-0 neCroatia.

Muteveri wenhabvu uye achirairidza chikwata chevechidiki cheSouth Berkeley chiri kuWest Virginia muAmerica, Jonah Masiya anoti anoona sekunge nyika huru munhabvu dziri kutatarika mumitambo yadzo yekutanga, asi dzichizosimuka kumberi.

Asi Masiya anoti pazvikwata zvekuAfrica, nyika yaangatotarisira kuti ingaenda mberi ichave Senegal, iyo ichatamba mutambo wayo wekutanga nemusi weChipiri nePoland.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG