Bato reMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe riri kuronga kupinda mumatunhu emuHarare neMugovera richiratidza kuvatsigiri varo mutungamiri webato pamwe nevachakwikwidza musarudzo.
Mutauriri webato iri, Muzvare Linda Tsungirirai Masarira vanoti bato ravo ratora nzira yekusangana nevatsigiri vavo iyi sezvo vatya kuti vakaita musangano mukuru waizogona kukanganiswa nevemamwe mapato avasina kudoma nemazita.
Muzvare Masarira vanoti nzira yekupinda muvanhu vachisangana nevatsigiri vavo inovapawo mukana wekusangana nevatsigiri padunhu rega rega sezvo sarudzo dzegore rino dzakanangana nenzvimbo dzekuvhotera, kana kuti polling station-based.
Vanoti hurongwa hwavo hweMugovera uhwu huchatangira muHarare Gardens, huchizoperera kuChitungwiza.
Semamwe mapato anopikisa, vanotiwo sebato havasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa gadziriro dzesarudzo neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, zvikuru panyaya yekunonoka kuwanisa gwaro revavhoti kune mapato ari kukwikwidza musarudzo.
"And hatina vimbo kuti ZEC ichakwanisa kutiburitsira and election iri free and fair and credible," Muzvare Masarira vanodaro.
Facebook Forum