Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuAmerica, Amai Chiwoniso Annie Marcolus, avo vari kukwikwidza musarudzo dzemumiriri weparamende kuZengeza West, vanoti vanoona vaine mukana wekukunda musarudzo dzemusi wa Chikunguru 30, kunyange hazvo vari munhu akagara kunze kwemakore akawanda.
Amai Marcolus vanoti vakatambirwa zvakanaka kwazvo nevagari vemudunhu reZengeza West sezvo vari mwana akakurira mudunhu iri.
Amai Marcolus, avo vari kukwikwidzana nenhengo dzemapato anosanganisira Zanu PF neMDC-T yaVaNelson Chamisa, vanoti dambudziko ravo nderekushaiwa zvikwanisiro zvekushandisa mukutsvaga rutsigiro zvakaita semari.
Vanotiwo rimwe dambudziko nderekuti vemapato vanoshandisa zvinhu zvakaita sechikafu mukukwezva vatsigiri, danho ravanoona sekutenga mavhoti. Mudunhu iri vanoti vakaitawo mabasa ekubatsira akafanana nekugadzirisa chimbuzi chemakiriniki yeZengeza icho change chave nenguva chisingashandiswi.
Amai Marcolus vanotiwo vari kufadzwa nerutsigiro rwavari kuwana kubva kune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, izvo zviri kuvaunganidzira mari yekuti vashandise mukutsvaga rutsigiro, kunyange hazvo mari iyi isati yasvika kwavari.
Facebook Forum