Accessibility links

Breaking News

Vari kuKwikwidza kuZengeza West, Amai Marcolus, Vanoti Vanotarisira kuKunda muSarudzo


Vari kukwikwidza vakazvimirira mudunhu reZengeza West, Amai Chiwoniso Annie Marcolus
Vari kukwikwidza vakazvimirira mudunhu reZengeza West, Amai Chiwoniso Annie Marcolus

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuAmerica, Amai Chiwoniso Annie Marcolus, avo vari kukwikwidza musarudzo dzemumiriri weparamende kuZengeza West, vanoti vanoona vaine mukana wekukunda musarudzo dzemusi wa Chikunguru 30, kunyange hazvo vari munhu akagara kunze kwemakore akawanda.

Amai Marcolus vanoti vakatambirwa zvakanaka kwazvo nevagari vemudunhu reZengeza West sezvo vari mwana akakurira mudunhu iri.

Amai Marcolus, avo vari kukwikwidzana nenhengo dzemapato anosanganisira Zanu PF neMDC-T yaVaNelson Chamisa, vanoti dambudziko ravo nderekushaiwa zvikwanisiro zvekushandisa mukutsvaga rutsigiro zvakaita semari.

Vanotiwo rimwe dambudziko nderekuti vemapato vanoshandisa zvinhu zvakaita sechikafu mukukwezva vatsigiri, danho ravanoona sekutenga mavhoti. Mudunhu iri vanoti vakaitawo mabasa ekubatsira akafanana nekugadzirisa chimbuzi chemakiriniki yeZengeza icho change chave nenguva chisingashandiswi.

Amai Marcolus vanotiwo vari kufadzwa nerutsigiro rwavari kuwana kubva kune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, izvo zviri kuvaunganidzira mari yekuti vashandise mukutsvaga rutsigiro, kunyange hazvo mari iyi isati yasvika kwavari.

Hurukuro naAmai Chiwoniso Annie Marcolus
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG