Mutungamiri weMDC-T uye vari vachamirira mubatanidzwa weMDc Alliance musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNelson Chamisa, vashora mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekushungurudza kwavanoti vari kuita vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri vavo muRudhaka Stadium B Arena kuMarondera neSvondo, VaChamisa vati VaMnangagwa vari kushungurudza VaMugabe.
VaChamisa vatiwo gore rino havasi kuzobirirwa sarudzo sezvakaitwa vaimbova mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai musarudzo dzemuna 2013 vachiti vari kuzviziva kuti kune vekuChina neRussia vari kushanda nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZEC kuda kubirira sarudzo dzegore rino.
Vatiwo vachakunda musarudzo vachiti hapana sarudzo dzechipiri kana kuti run-off dzichaitwa mushure mesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.
Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri webato rePDP, iro riri mumubatanidzwa weMDC Alliance VaTendai Biti vashorawo masoja nekushandiswa kwavati akaitwa kumbunyikidza vanhu pamusangano wakaitwa naVaMnangwagwa kuBindura nezuro.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe pavamire nezvataurwa naVaChamisa naVaBiti izvi.
Facebook Forum