Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoparura Chirongwa Chinorwisa Mhirizhonga Yakanangana neVanhukadzi Musarudzo


Police Commissioner General Godwin Matanga, vagere pakati.
Police Commissioner General Godwin Matanga, vagere pakati.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police akaparura chirongwa chakanangana nekudzivirira mhirizhonga kumadzimai nevanasikana, zvikuru munguva dzesarudzo.

Mapurisa akaparura chirongwa ichi neChitatu achitsigirwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu, zvikuru dzemadzimai, muzinda weCanada muZimbabwe, pamwe neNational Prosecuting Authority of Zimbabwe.

Vachitaura pamusangano uyu, mukuru wemapurisa, Commissioner-General Godwin Matanga, vakati mapurisa haasi kuzopeta maoko panyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai munguva dzesarudzo.

Vakakurudzirawo madzimai kuti vamhang’are nyaya dzemhirizhonga kana kumbunyikidzwa vasingatyi.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe, Amai Sally Ncube, vakatiwo vafadzwa zvikuru nechido chiri kuratidzwa nemapurisa rwendo rwuno mukudzivirira mhirizhonga kumadzimai munguva dzesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG