Accessibility links

Breaking News

Ishe veUzumba, VaDouglas Nyajinha, Vanosarudzwa Kuve Nhengo yeDare reMadzishe.


Ishe Douglas Nyajinha vekuUzumba, mudunhu reMashonaland East.

Ishe Nyajinha, VaDouglas Nyajinha, vedunhu reUzumba kuMashonaland East, vanoti vanofara zvikuru nekusarudzwa kwavakaita kuve mumwe wemadzishe mana anobva kuMashonaland East akasarudzwa kupinda mudare remadzishe reChiefs’ Council.

Ishe Nyajinha vanoti vakafadzwa zvikuru nekusarudzwa kwavo kuti vapinde mudare remadzishe iri servo ichi chili chino chekutanga kubva pawana nyika kuzvitonga kuti ishe anobva kuUzumba-Maramba-Pfungwe ange achisarudzwa kupinda mudare reChiefs' Council iri.

Vanoti basa ravo guru mudare iri ndere kugadzirisa zvinonetsa madzimambo nematunhu avo avanobva.

Mamwe madzishe anobva kuMashonaland East akasarudzwa pamwechete naIshe Nyajinha vanoti Ishe Musarurwa vekuChikomba, Ishe Chikwaka vekuGoromonzi, naIshe Nechombo vekwaMutoko.

Shoko raIshe Nyajinha guru nderekukurudzira vanhu vemudunhu ravo pamwe nenyika yose kuti vakoshese pamwe nekuremekedza tsika nemagariro avo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG