Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopumha Generation 40 Huroyi


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitaura nemumwe wevakakuvara, Amai Mary Chiwenga, vari muchipatara.

Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vari kunongedza munwe wavo kuchikwata cheG40 kuti ndicho chine chekuita nechombo chakaputika kumusangano wavo kuBulawayo mukupera kwesvondo.

Vachitaura nenhepfenyuro yeBBC neChitatu, VaMnangagwa vati fungidziro yavo, kunyange havo vasina humbowo, ndeyekuti vanhu vakarwadziwa nehurumende itsva ndevechikwata cheG40, vachiti ndivo vavanofungira kusvika pave nehumbowo hwekuti ndiyani akaita izvi.

Chikwata cheG40, icho chinonzi chiri kutungamirwa nemudzimai wevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe, chakanga chichinetsana nechikwata cheLacoste, icho chinonzi chaitsigira VaMnangagwa.

Vachipindura mubvunzo wekuti chiitiko ichi chingaita here kuti munyika muve nekuomeswa kwemutemo, VaMnangagwa vati hapana chikonzero chekuti vadzike mutemo wekuomesa zvinhu, sezvo chiitiko ichi chisingakanganisi mamiriro ezvinhu munyika.

Asi vati vanofanirwa kuona kuti vanhu veZimbabwe vachengetedzwa kuburikidza nekutsvaga vanhu vakaita izvi pamwe nekuona kuti vakawanda zvakadii uye vanoshanda sei.

VaMnangagwa vatiwo zvichienzaniswa nedzimwe nyika kuchamhembe kweAfrica, Zimbabwe ndiyo nyika chete yakagadzikana.

Vatiwo vekunze vane mabhizimusi munyika vakachengetedzeka kwazvo.

Pamubvunzo wekuti vanovimba zvakadii naAmai Mugabe, vapindura vachiti havana chikonzero chekuti vavimbe nemunhu akashandiswa nechimwe chikwata kutaura zvinhu zvisina nematuro ose pamusoro pavo.

Panyaya yekuti vari kuvimbisa vanhu kuenda kuZimbabwe itsva asi ivo vanga vari muhurumende yaishungurudza vemapato anopikisa, VaMnangagwa vati vanhu vanofanirwa kuvimba nezvavari kuita zvakafanana nekubvisa ma road block mumigwagwa.

Vatiwo hurumende yavo yanyevenutsa nyaya dzezvematongerwo enyika kuburikidza nekupa vemamwe mapato mikana zvichionekwa nekuwanda kwemapato ezvematongerwo enyika ayo vati ave zana nemakumi matatu ane matatu.

VaMnangagwa vati kunyange hazvo zita ravo remadunhururirwa riri rekuti garwe, iro rinozivikanwa semhuka ine hutsinye, ivo munhu akapfava seshinda uye ndibaba vemhuri, kunyange hazvo paine zvakawanda zvakaipa zvinotaurwa pamusoro pavo nevavengi vavo.

Studio 7 yaedza kubata mumwe wevanonzi vari muchikwata cheG40, uye vari muzukuru waVaMugabe, VaPatrick Zhuwao kuti tinzwewo divi ravo panyaya yekuti chikwata chavo ndicho chinonzi chine chekuita nekubhombwa kwemusangano waVaMnangagwa, asi vati vanga vari pakamanikidza kuti vataure.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti VaMnangagwa semutungamiri wenyika vanga vasingafanirwe kuwana wekunongedza munwe sezvo mapurisa achiri pakati pekuferefeta nyaya iyi.

Asi vanoti VaMnangagwa vanogona kunge vachitaura mashoko aya vaine ruzivo rwavakapiwa nevari kuferefeta nyaya vakaita sevasori, mapurisa pamwe nemauto.

Kuputika kwechombo uku kwakakuvadza vanhu makumi mana nevapfumbamwe, vaviri vavo vakazoshaya vave kuzvipatara.

Hurukuro naVaPedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG