Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovimbisa Kutambira Zvichabuda Musarudzo

Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti ivo nebato ravo vachatambira zvichabuda musarudzo.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pamusangano wavo wekupedzisira wekutsvaga rustigiro pamberi pesarudzo.

Vachitaura kuvatsigiri vebato ravo vanoda kusvika kuzviuru makumi matatu munhandare yeNational Sports Stadium muHarare, VaMnangagwa vati kunyange hazvo bato ravo richakunda zvine mutsindo, vachatambira zvinenge zvadiwa nevana veZimbabwe.

VaMnangagwa vakurudzirawo kuti vanhu vemuZimbabwe varambe vachikoshesa runyararo, vakati vanofadzwa nekuti mapato akawanda ari kukwikwidza akatevera kurudziro yavo yekuti sarudzo dziitwe murunyararo vachiti mapurisa achatora matanho akakodzera kune vose vachada kukonzera mhirizhonga.

Vadzokororawo mashoko avo ekuti boka reZimbabwe Electoral Commission, Zec, iboka rakazvimirira rine makomishina akasarudzwa nemapato ose ane nhengo dziri muparamende, kusanganisira vari kutungamira mubatanidzwa weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

Vati hapana bato rezvematongerwo enyika rinofanirwa kuudza Zec zvekuita maringe nemashandiro ayo.

VaMnangagwa vayambirawo vari kuongorora sarudzo kuti vasapindire mune zvematongerwo enyika, asi kuti vaite basa ravo nemazvo.

Vanoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki reZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti vafadzwa zvikuru nemashoko ataurwa nemutungamiri wavo, zvikuru panyaya yerunyararo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano revechidiki rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku vanoti mashoko aVaMnangagwa ekuti vachatambira zvichabuda musarudzo haafanirwi kungotambirwa sezvo vamwe vavo mubato reZanu PF vachigona kuzozviramba.

Zimbabwe iri kutarisirwa kusarudza mutungamiri wenyika, vamiriri vedare reparamende pamwe nemakanzura nemusi weMuvhuro. Zec inoti yagadzirira zvose zvinodiwa musarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG