Accessibility links

Breaking News

VaKoffi Annan Vanopinda muZimbabwe Kuzoongorora Sarudzo neChikwata Chavo


Elders
Elders

Vari kutungamira chikwata chavanasorojena uye vaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKoffi Annan, vapinda munyika kuzoona kugadzirira kwakaita Zimbabwe pamberi pesarudzo dziri kuitwa musi wa 30 Chikunguru gore rino.

VaAnnan, avo vari kutungamira chikwata chevanhu vatatu, vatambirwa panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport iri muHarare nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa eUnited Nations muZimbabwe, VaBishow Parajul.

Chikwata chavanasorojena ichi chiri kutarisirwa kusangana nevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika, vamiriri veZimbabwe Electoral Commission, Zec, vezvenhau, vedzisvondo, pamwe nevemamwe mapoka.

Vamwe vari muchikwata ichi ndaAmai Mary Robinson, avo vaimbove mutungamiri wenyika yeIreland uye vari komishina weUnited Nations anoona nezvekodzero dzevanhu, pamwe naVaLakhadar Brahimi, avo vaimbove gurukota rezvekunze kwenyika yeAlgeria uye vari mumiriri weUnited Nations.

Nyanzvi mune zvematongerwo vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti kusvika kwaita chikwata ichi kunoratidza kuti munyika mave neshanduko, sezvo vanasorojena ava vaimborambidzwa kusvika munyika nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaNgwenya vanotiwo vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kutaura chokwadi kana vachisangana nechikwata ichi sezvo chichasangana nevanhu pamwe nemasangano vakasiyanasiyana.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevechidiki rePlatform for Youth Development Trust, VaClaris Madhuku, vanoti vanofara zvikuru nekupinda munyika kwaVaAnnan nechikwata chavo.

Mashoko aVaMadhuku aya anotsigirwa nemumwe mugari wemuHarare, VaBramson Chitaunhike avo vanoti kuve munyika kwaVaAnnan nechikwata chavo kunobatsira nekupa njere pakupesana kwavepo pakati peZEC nemapato anopikisa.

Chikwata chavanasorojena ichi chakamborambidzwa kupinda munyika muna 2008 naVaMugabe apo chaida kuona maparariro akanga aita zvinhu munyaya dzeupfumi uye kutambura kwaiita vanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG