Accessibility links

Breaking News

America Inocherechedza Makore Mazana Maviri neMakumi Mana neMaviri eKuzvitonga


Vanhu vanotandadzwa nema firework musi wekupemberera kuzvitonga muAmerica.
Vanhu vanotandadzwa nema firework musi wekupemberera kuzvitonga muAmerica.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nezuro zvakabatana nezvizvarwa zvenyika iyi mukupemberera pamwe nekucherechedza makore mazana maviri nemakumi mana nemaviri America yawana kuzvitonga kubva kuBritain.

Mhemberero idzi dzakaitwa mumaguta akasiyanasiyana mumatunhu ose eAmerica ari makumi mashanu. MuWashington D.C. mhemberero dzakaitwa dzaisanganisira mhanzi kubva kuzvikwata zvakasiyanasiyana, kufora kwevechiuto, pamwe nema fireworks, ayo akazoputitswa kumanheru zuva ranyura.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashington D.C., Dr. Frenk Guni, vanoti zuva iri izuva rakakosha zvikuru kuvanhu vazhinji sezvo vachiwana nguva yekuzorora uye kupembera vari pamwe chete.

Dr. Guni vanotiwo pane musiyano mukuru kwazvo pakati pemhemberero dzekumusha nedzemuAmerica sezvo dzemuAmerica dzichiitwa pasina kupindira kwakanyanya kwemauto kana vezvematongerwo enyika.

Vanoti kuZimbabwe mabhizimusi anotovharwa munguva dzakadai vanhu vachitinhwa kuenda kunoungana munzvimbo dzinenge dzichiitirwa mhemberero, asi muAmerica ndiyo nguva inotoita vemabhizimusi mari yakawanda kwazvo vachitengesa zvinhu zvavo, zvikuru zvine nhoroondo yenyika yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG