Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCholera Chinouraya Vanhu Makumi Maviri muHarare


Gurukota rezvehutano idzva, Dr. Obadiah Moyo vachitaura nevatori venhau.
Gurukota rezvehutano idzva, Dr. Obadiah Moyo vachitaura nevatori venhau.

Hurumende neChipiri yakazivisa kuti chirwere chemanyoka che cholera chave chirwere chinoda kubatwa zvechimbichimbi, kana kuti state of emergency, kuitira kuti chikwanise kurwiswa nekukasika pamwechete nechimwe chemanyoka che typhoid.

Huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere ichi huri kunzi huri kuramba huchikwira.

Vanhu vafa vanonzi vave makumi maviri uye vamwe vanodarika zviuru zviviri nemazana matatu vachinzi vakabatwa nacho muHarare chete.

Chirwere ichi chinonzi chave kuonekwawo mune mamwe matunhu emunyika anoti Masvingo, Mashonaland Central, Midlands neManicaland. Bepanhau reHerald rinoti gurukota rezvehutano, Dr. Obadiah Moyo vakashanyira chipatara che Beatrice Road Infectious Diseases kunoona varwere.

Dr. Moyo vakaudza vatori venhau kuti kukundikana kwekanzuru yeHarare kugadzirisa nekukasika pombi dzinotakura tsvina dzakaputika mumusha weGlen View ndiko kuri kuita kuti mvura yekunwa isangane netsvina.

Chirwere che cholera chinonzi chinoparadzirwa nekushaikwa kwehutsanana uye kunwa mvura inenge yakasangana netsvina, zvikuru inobva muzvimbuzi.

Nyanzvi mune zvehutano Professor Davison Saungweme, vanodzidzisa nezvekutapuriranwa kwehutachiwana pamwe nezvimwe zvirwere paUniversity of North Georgia, kuGeorgia muno muAmerica vanoti nzira chete inofanirwa kuteverwa mukudzivirira chirwere ichi kuwanisa vanhu dzidziso yakakwana.

"Vana hutsanana vanofanirwawo kunge vachishanda nevagari uye panofanirwa kunge paine dzidziso yakakwana inopiwa vagari," Professor Saungweme vanodaro.

Vanokurudzirawo veruzhinji kuti vashandise mvura yakachena kana kutanga vafashaidza mvura vasati vaishandisa kunwa kana kugezesa michero nemirivo zvavanodya.

"Chimwe chikuru chinoda kunyatsotarisiswa inzira yekuti tsvina inoitwa sei nayo. Zvikuru panodiwa zvimbuzi zvekuti vanhu vashandise, kugeza maoko kana vanhu vachigadzira chikafu. Zvakare kumhoresana kwedu kwekubatana maoko kuya uku. Vanhu vanenge vachichengeta vane cholera iyoyo vanoda kudzidziswa matanho iwayo," Professor Saungweme vanowedzera.

Chirwere ichi chakatanga kuonekwa mumisha yeBudiriro neGlen View kutanga kwemwedzi uno, uye zvinofungidzirwa kuti mvura iri kunwiwa nevagari mumisha iyi, zvikuru inobva mumigodhi, ndiyo iri kusangana netsvina yemuzvimbudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG