Accessibility links

Breaking News

Misa Zimbabwe Yoshora Maitiro eNhengo dzeZanu PF kuChitungwiza


Misa- Zimbabwe
Misa- Zimbabwe

Sangano reMISA-Zimbabwe rinoti riri kushoropodza zvakanyanya kutydzisirwa kwevatapi venhau nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF kuChitungwiza neChipiri pamusangano wanga uchifanirwa kuitwa wekudoma meya weguta iri.

Mukuru weMISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti bongozozo ratanga apo makanzura eZanu PF aedza kumisa musangano uyu achiti uzoitwa mumazuva anotevera.

Mumwe kanzura weZanu PF anonzi akurudzirawo kuti vatori venhau vadzingwe mumusangano uyu.

Izvi zvinonzi zvarambwa nemakanzura eMDC Alliance izvo zvazoita kuti makanzura eZanu PF abude mumusangano uyu.

Pangapobuda makanzura eZanu PF mumusangano vatori venhau vannonzi vatanga kutora mifananidzo zvisina kufadza vatsigiri veZanu PF.

Izvi zvinonzi zvazokonzera kuti vatsigiri veZanu PF vanga varimowo mumusangano uyu vatange kusunda vatori venhau pamwe nekuvarambidza kutora mifananidzo yezvanga zvichiitika.

Asi VaMoyo vanoti sesangano vachasvitsa nyaya iyi kumusoro kuitira kuti vatori venhau vakwanise kushanda vakasununguka.

Studio7 yakundikana kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Hurukuro naVaTabani Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG