Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopa Pfungwa Dzavo paMakurukota eDare reMakurukota


Chief Justice Luke Malaba Congratulates Mnangagwa Zimbabwe elections
Chief Justice Luke Malaba Congratulates Mnangagwa Zimbabwe elections

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChishanu vadoma vanhu vavanoda kuti vazove makurukota muhurumende yavo.

Veruzhinji vane maonero akasiyanasiyana pamusoro pevanhu vadomwa ava.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano paUniversity of Johannesburg kuSouth Africa, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti pane zvimwe zvavanotenda kuti zvaitwa zvakanaka naVaMangagwa pakushara kwavo makurukota aya.

Asi Doctor Ruhanya vanoti chikuru chinofanirwa kuitwa nehurumende kurwisa huwori kuitira kuti pakwanise kuonekwa basa richaitwa nemakurukota matsva aya.

Doctor Ruhanya vanoti vamwe vevanhu vadomwa semakurukota matsva vanhu vane chiremera muhupenyu hwavo, uye vanoziva mabasa avo.

Vapa muenzaniso wevadomwa segurukota rezvemari nepfumi idzva, Professor Mthuli Ncube, vachiti munhu ane hunyanzvi mune zveupfumi uye anozivikanwa nedzidzo yake.

Doctor Ruhanya vanoti vanoonawo sekunge VaMnangagwa vamboedzawo zvakare kubatanidza matunhu kuburikidza nekutora vanhu kubva kumatunhu ose enyika, pamwe nekutorawo vemarudzi akasiyanasiyana.

Asi vanoti mutungamiri wenyika apotsa pakudoma madzimai mashoma mudare rake panguva iyo vanhu vari kutarisira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi sezvinokurudzirwa nebumbiro remitemo.

Mumakurukota adomwa aya mune madzimai matanhatu chete pavarume gumi nevana.

Vamwe vadomwa semakurukota ndaAmai Oppah Muchinguri-Kashiri segurukota rezvekudzivirirwa kwenyika,

Kutongwa kwematunhu - VaJuly Moyo

Kudyidzana nedzimwe nyika - VaSibusiso B. Moyo

Mabasa nevashandi - Amai Sekesai Nzenza

Maindaisitiri - VaMangaliso Ndlovu

Mukati menyika - Cain Mathema

Dzidzo yepamusoro - Professor Amon Murwira

Dzidzo yepasi - Professor Paul Mavima

Kurima - VaPerrance Shiri

Migodhi - VaWinston Chitando

Mhando dzemoto - VaJoram Gumbo

Kutakurwa kwezvinhu VaJoel Biggie Matiza

Kuburitswa kwemashoko - Amai Monica Mutsvangwa

Hunyanzvi mukufambiswa kwemashoko -VaKazembe Kazembe

Zviwanikwa pamwe nekushanyirwa kwenyika – Amai Prisca Mupfumira

Zvevechidiki, mitambo netsika – Muzvare Kirsty Coventry

Hutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana - Dr Obediah Moyo

Mitemo-VaZiyambi Ziyambi,

Madzimai - Amai Sithembiso Nyoni.

Vasiiwa kunze asi vaimbowe makurukota muhurumende yadarika vanoti VaPatrick Chinamasa, VaSupa Mandiwanzira, VaDavid Parirenyatwa, pamwe naVaObert Mpofu.

Vasarudzwa ava vanotarisirwa kutoreswa mhiko nemusi weMuvhuro mushure mekunge vasvitswa matsamba ekuvadoma kuti vatore zvigaro zvavo.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG