Accessibility links

Breaking News

America Inoti Zvirango Zvicharamba Zviripo Kusvika Zimbabwe Yaratidza Shanduko


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevaive mutungamiri wenyika Varobert Mugabe vanonzi vamwe vevari pazvirango zveAmerica.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevaive mutungamiri wenyika Varobert Mugabe vanonzi vamwe vevari pazvirango zveAmerica.

Hurumende yeAmerica inoti haisi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende pamwe nemamwe makambani kusvikira hurumende yaVaEmmerson mnangagwa yaratidza kuti iri kushandura maitiro ayo.

Vachitaura pamberi pedare reparamende muWashington D.C., nemusi weChina, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica vachiona nezveupfumi nemabhizimusi, Amai Manisha Singh vakati pane vanhu pamwe nemakambani zvinosvika zana nemakumi mana nemumwe muZimbabwe kusanganisira mutungamiri wenyika VaMnangagwa pamwe nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiri pazvirango zveAmerica.

Amai Singh vakati America icharamba yakaisa zvirango izvi senzira yekumanikidza Zimbabwe kuita shanduko mune zvematongerwo enyika, zveupfumi, pamwe nekodzero dzevanhu, vachiti vanoda kuona shanduko inobatika muZimbabwe kuti vatange zvakare kudyidzana nayo.

Amai Singh vakati hurumende yavo yakasununguka nguva dzose kuita nhaurirano neZimbabwe, asi vakatsinhira vachiti ivo vakamirirawo kuona shanduko kubva kuhurumende, zvikuru mukuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG