Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Yakwanisa kuZadzisa Zvimwe zveZvinoita Kuti Zvirango Zvibviswe


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo vazivisa kuti hurumende yeZimbabwe yazadzisa zvimwe zvezviri kukurudzirwa nehurumende yeAmerica kuti igadzirise kuitira kuti zvirango zvakatemerewa vamwe vakuru muhurumende zvibviswe.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaMoyo vati zvirango izvi zviri kukanganisa zvikuru vana veZimbabwe vose, kwete vazvinonzi zvakananga navo chete sezvinotaurwa nAmerica.

Vatiwo zvirango izvi zvinoramba zviri chimhingamupinyi sezvo Zimbabwe iri nyika isingasungwe nemitemo yedzimwe nyika.

Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump nemusi weChina svondo rapera vakaisaina kuvandudzwa kwebhiri rezvirango reZIDERA kuti uve mutemo. Kuvandudzwa uku kuri kukurudzira Zimbabwe kuti igadzirise zvinhu zvikuru munyaya dzezvekodzero dzevanhu nezvimwe, kana ichida kuti zvirango izvi zvibviswe.

Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda vanoti zvinorwadza kuti nyika yeZimbabwe iri kucherechedza zuva remagamba nemusi weMuvhuro yakasungwa nezvirango zveAmerica.

VaMatemadanda vanoti nyika dzekumawirira kusanganisira America dzakanga dzakanyarara vana veZimbabwe vachishungurudzwa nehurumende yevachena, asi nhasi vave kuzvitonga ndipo pavanonzi vari kutyorerwa kodzero dzavo nehurumende inwecheteyo yakavabvisa muhutapwa hwehutongi hwaVaIan Smith.

Hurukora naVaVictor Matemadanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG