Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Maonero Akasiyana paMutemo weZIDERA


Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vakasaina bhiri reZIDERA rakavandudzwa kuti uve mutemo.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vakasaina bhiri reZIDERA rakavandudzwa kuti uve mutemo.

Svondo rapera mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakasaina kuti uve mutemo Zimbabwe Democracy and economic Recovery Amendment Act, ZIDERA, zvichitevera kuvandudzwa kwezvimwe zvikamu zvemutemo uyu.

Zvikamu izvi zvakavandudzwa kuti zvipe mukana kuZimbabwe kuti igadzirise zvinhu zvairi kunzi neAmerica ivandudze.

Zvinhu izvi zvinosanganisira sarudzo dzakachena, uye nyaya dzekodzero dzevanhu, senzira yekuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende yeZanu PF zvibviswe.

Asi hurumende yeZimbabwe svondo rino yakazivisa kuti kuvandudzwa pamwe nekusimbiswa kwemutemo uyu kwakatowedzera kushupika kwevana veZimbabwe kuburikidza nezvirango izvi.

Vachitaura kuvatori venhau, gurukota rezvekunze kwenyika, VaSibusiso Moyo, vakatiwo Zimbabwe iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa zviri kunzi zvigadziriswe izvi, kunyange hazvo Zimbabwe iri nyika yakazvimirira, isina imwe nyika inoipa mitemo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti shanduko yakanga yavepo zvayo pasi pehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, asi zvakazoitika zvekupfurwa kwevanhu mushure mesarudzo zvinogona kunge zvakakanganisa zvinhu zvose.

Hurukuro naVaRicky Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG