Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashington D.C., VaRalph Chambati, avo vari kugadzira magetsi vachishandisa mhando yemoto wezuva kana kuti solar energy, vanoti zvakakosha zvikuru kuti munhu asimbirire mune chaanenge achiita kusvika chabudirira.
VaChambati vanotungamira kambani yavo yeRC Renewables LLC uye vave nemakore anodarika gumi vachiita zvemhando yemoto wezuva izvi.
Kushingirira kwavo kwavasvitsa pakuti kambani yavo ive imwe yemakambani achiri kusimukira ave kuvimbwa nawo munharaunda yeWashington D.C., Virginia neMaryland.
Vanoti nekuda kwekubudirira kuri kuita kambani yavo, vave kukwanisa kuwaniswa mabasa makuru nekanzuru yeD.C., ivo vachikwanisa kudzidzisawo mabasa vechidiki vanobva kumhuri dzinoshaya pamwe nevanenge vabuda kumajeri vemuguta iri.
Kambani yeRC Renewables inoisa magetsi emhando yemoto wezuva muzvikoro, mudzimba, pamwe nemumakambani uye kugona kwayo basa kwave kuita kuti itsvagwe nevakawanda munharaunda yeWashington D.C., pamwe nemamwe matunhu emuAmerica ari pedyo akaita sePennyslvania, neari kure akaita seNorth Carolina, Texas nemamwe.
VaChambati vanoti vanotarisira munguva pfupi inotevera kuendesa hunyanzvi hwavo kunyika yavo yechipikirwa Zimbabwe.
Facebook Forum