Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voramba Kuti Vane Chekuita neKuoma Kwaita Zvinhu muNyika


Vatungamiri vesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association.

Kusamira kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika kunonzi nevamwe vari mubato reZanu PF pamwe nevesangano revakarwa hondo yerusunguko kuri kukonzerwa nevanopikisa senzira yekuti vanhu vapandukire hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vaudza bepanhau reNewsDay kuti matambudziko ari munyika mune zvehupfumi pari zvino ari kurwadza vanhuwo zvavo munyika, izvo zvinogona kuita kuti vazopandukira hurumende vachiipomera mhosva yekukundikana kufambisa nyika nemazvo.

Pari zvino mitengo yezvinhu inonzi iri kukwira zvisina mukare akamboona. Mafuta edzimotokari anonzi ave kunetsawo panguva iyo gorosi rasara munyika richinzi nevanobika chingwa rasara shomashoma risingakwaniri nyika kwemwedzi mitatu.

Zanu PF iri kuchemawo kuti zvirango zvainoti zvakatemerwa nyika nevekumadokera ndezvimwe zvezvinhu zviri kuwedzera matambudziko akatarisana nenyika pari zvino.

Asi vanopikisa vanoti kutadza kutonga kweZanu PF ndiko kwakonzera kuparara kweupfumi hwenyika.

Vanoongorora zvamatongerwo enyika vakarere kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti munyika yose pamwe nekuchamhembe kweAfrica vanoziva kuti zvirango zvakatemerwa nyika zvakakumbirwa nebato reMDC.

VaChirumhanzu vanoti vanopikisa ava vanofanirwa kutaura nenyika dzekumawirira kuti vabvise zvirango izvi kuitira kuti nyika ifambire mberi zvakanaka.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube uye riri mumubatanidzwa weMDC Alliance, VaKurauone Chihwayi, vanoti mashoko ekuti vanopikisa ndivo vari kukonzeresa kuoma kwezvinhu munyika ndeenhema sezvo vanhu vose vachiziva kuti kutadza kutonga kweZanu PF ndicho chikonzero chauraya nyika.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naVaKurauone Chihwayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG