Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza Kuungana kweVanhu muHarare seNzira Yekudzivirira Kupararira kweKorera


Vashandi veszvehutsanana vachifirita kuchenesa mubhedha usati washandiswa nemurwere ane cholera. (C. Mavhunga/VOA)
Vashandi veszvehutsanana vachifirita kuchenesa mubhedha usati washandiswa nemurwere ane cholera. (C. Mavhunga/VOA)

Mapurisa neChitatu akazivisa kuti akanga asisabvumidze kuungana kwevanhu muguta reHarare pamwe nekutengeswa kwezvekudya mumigwagwa yemukati meguta nemumisha yeBudiriro neGlen View senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere chemanyoka chekorera.

Mumagwaro akaburitswa nemapurisa, vatauriri vemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba naAssistant Commissioner Paul Nyathi vakakumbirisa veruzhinji kuti vateerere yambiro dziri kupiwa pamusoro pechirwere chemanyoka ichi.

Mapurisa ari kukurudzirawo kuti veruzhinji vashande pamwe nemapoka ari kurwisana nechirwere ichi, vachiti ndiyo chete nzira inoita kuti chikwanise kudzivirirwa pamwe nekumiswa.

Mapurisa anoti achaita basa rawo rekuona kuti vanhu vatevedzera kurudziro idzi.

Vanhu makumi maviri nemumwe vafa kusvika pari zvino nekuda kwechirwere ichi, uye vamwe vanodarika zviuru zvitatu vanonzi vakabatwa nacho.

Vanotengesera mumigwagwa yemuHarare, zvikuru vanotengesa michero nezvimwe zvekudya, ndevamwe vevanhu vari kupomerwa mhosva yekuparadzira chirwere ichi.

Nyanzvi mune zvehutano pamwe nezvirwere zvinotapuriranwa, Doctor Frenk Guni, avo vari muWashington DC, vanoti danho remapurisa iri rakanaka chose, asi chikuru chinodiwa kuwaniswa kwedzidziso pamusoro pechirwere ichi kune veruzhinji.

Doctor Guni vanotiwo makanzuru emumaguta pamwe nehurumende vanofanirwa kumbosiya zvematongerwo enyika, vogadzirisa zvikonzero zviri kuita kuti chirwere ichi chirambe chichinyuka vari pamwe chete.

Chimwe chavanokurudzira kugadziriswa kwepombi dzinofambisa mvura yekunwa muguta vachiti guta guru renyika haringaite mbiri yekuwanisa vanhu mvura inobva muzvibhorani, izvo zvinonzi zvave kuburitsa mvura ine tsvina inobva kumasuweji ari kuputika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG