Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Votaura Pamusoro peNhengo dzeParamende Dzatoreswa Mhiko


پشت صحنه فیلمبرداری مصاحبه بخش فارسی صدای آمریکا با لیلا لطیفی و مسعود سعیدی نیا، مادر و پدر امیرحسین سعیدی نیا، از جان باختگان پرواز پی اس ۷۵۲
پشت صحنه فیلمبرداری مصاحبه بخش فارسی صدای آمریکا با لیلا لطیفی و مسعود سعیدی نیا، مادر و پدر امیرحسین سعیدی نیا، از جان باختگان پرواز پی اس ۷۵۲

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvine maonero akasiyana pamusoro pekutoreswa kwenhengo dzeparamende pamwe neseneti neChitatu muHarare.

Vamwe vanoti havatarisire shanduko kubva kuparamende yechipfumbamwe iyi sezvo nhengo dzirimo dziri kungobva kumapato ezvematongerwo enyika agara angori muparamende, uye bato reZanu PF raramba riine huwandu hwaro mumatare ose.

Asi vamwe ndivo vari kuti regai tione kunowira tsvimbo nedohwe, vachiti vadare ava vane makore mashanu ekuratidza zvavainazvo, uye vakawanda vavo vanhu vatsva vane pfungwa itsva.

Vatoreswa mhiko vanoti nhengo dzeparamende mazana maviri nemakumi manomwe pamwe nenhengo dzeseneti makumi masere.

Kubva muvadare ava ndipo pachazodomwa makurukota, ayo anotarisirwa kudomwa chero nguva.

Mukati mevatoreswa mhiko ava, mune zvizvarwa zveZimbabwe zvaigara kunze kwenyika zvakadzokera kumusha kunokwikwidza musarudzo.

Sachigaro weGlobal Zimbabwe Forum, VaSolomon Chikowero, avo vanoti vanotarisira kuti vatoreswa mhiko ava vachashanda vachizadzisa zvido zvevakavasarudza.

VaChikowero vanotiwo zvinofadza chose kuti vari kunze kwenyika vari kuzvipira kudzokera kumusha kunobatsira mukuvaka nyika yavo.

Hurukuro naVaSolomon Chikowero
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG