Dare reparamende nemusi weChipiri rakatanga kuzeya bhiri remutemo wekuvandudza mutemo weReserve Bank of Zimbabwe Act kuti mabond notes arambe achishanda zviri pamutemo.
Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti vanhu vanofanira kungwarira mvura yavari kunwa uye vakatanga kunzwa kurwara, vanofanira kuenda kumakirinika kana zvipatara nechimbi chimbi.
America yagadza mutungamiri wayo wechimakumi mana nemashanu, VaDonald Trump, pahurongwa hwanga huchionekwa nepasi rose.
Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vari kukurudzira vanhu kuti vangwarire mvura yavari kunwa kuti vasatapuririrwe zvirwere zvakaita setyphoid kana manyoka zvokonzerwa nekuwandisa kwemvura iri kunaya.
Mutungamiri wenyika yeamerica mutsva, VaDonald Trump, vari kutora mhiko nemusi weChishanu muWashington DC apo vatungamira America kwemakore masere apfuura, VaBarack Obama, vanenge voenda pamudyandigere.
Vari kumiririra bato reNational Constitutional Assembly musarudzo yekuBikita West, VaMaddock Chivasa, nemumwe wavari kushanda navo kana kuti election agent, VaThomas Mudzamiri, vakarohwa zvakaipisisa neChipiri manheru munzvimbo iyi.
Kunyangwe hazvo vanhu vakawanda munyika vari kufara kuti mvura gore rino yaturuka uye vachadza matura, zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvivakwa zvenyika zvakaita semigwagwa iyo yazara makomba.
Mutungamiri weAmerica ari kusiya basa nemusi weChishanu, VaBarack Obama, vawedzerazve nerimwe gore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nehurumende yavo.
Kunetsana mubato reZanu-PF kwave kutanga zvekare apo bato iri rave kutanga kuita gadziriro yesarudzo dzemuna 2018.
Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika varobert mugabe vakaisa ruoko rwavo pamutemo wekuvandudza mitemo yevashandi kana kuti Labour Ammendment Act muna 2015, kusvika parizvino hapana kuwirirana kuti ndiyani chaiye akabatsirwa nemutemo uyu.
Matare atanga kunzwa nyaya dzenhengo dzeMDC-T uye vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vakasungwa gore rapera vachipomerwa mhosva dzine chekuita nekuratidzira kusafarira hurumende yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.
VaNana Addo Dankwa Akufo-Addo, avo vaive mutungamiri webato raipikisa muGhana, reNew Patriotic Party, vakakunda musarudzo dzakaitwa munyika iyi gore rapera.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemhuri yavo vari kuzororo kunyika dzekumabvazuva dzakaita seSingapore neChina.
Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu nezvivakwa, Doctor Joram Gumbo, vanoti mukutanga kwegore rino vari kutanga mabasa ekugadzira migwagwa mikuru yakaita seHarare kusvika kuChirundu uye weBeitbridge kusvika Victoria Falls.
Vanhu vanosvika zana kusanganisira nhengo dzedare reparamende vari kutarisirwa kumiswa kumatare muna Ndira vachipomerwa mhosva dzine chekuita nekuratidzira kwakaitika gore rapera.
Mutauriri weZIFA VaXolisani Gwesela vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka mukamba mavo zvekuti vari kushamisika nevanhu vari kuti gadziriro dzechikwata chemaWarriors dzekuenda kumakwikwi eAfrica Nations Cup kuGabon hadzisi kufamba zvakanaka.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vari kutungamira chirongwa cheCommand Agriculture ichi.
Vaimbova gavhuna wedunhu reMashonaland West VaPeter Chanetsa vashaya nhasi kuchipatara cheParirenyatwa hospital muHarare mushure mekurwara nechirwere cheshuga.
Gavhuna webhanga guru renyika Dr John Mangudya vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwemafambisirwo emari kana kuti Monetary Policy mukupera kwaNdira gore rinouya.
Munyori mukuru mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora vanoti vari kuzoendesa kumatare gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere nenyaya yekuvhiringidza kushanda kwameya weguta reGweru VaHamutendi Kombayi nemakanzura avo.
Rodhai zvimwe