Accessibility links

Breaking News

VaMaddock Chivasa veNCA Vorohwa kuBikita Vachitsvaga Rutsigiro


VaMadhuku naVaChivasa

Vari kumiririra bato reNational Constitutional Assembly musarudzo yekuBikita West, VaMaddock Chivasa, nemumwe wavari kushanda navo kana kuti election agent, VaThomas Mudzamiri, vakarohwa zvakaipisisa neChipiri manheru munzvimbo iyi.

VaChivasa vati vanhu vakavarova vaitungamirwa nemumiriri weMarondera Central mudare reparamende, VaLawrence Katsiru, avo vati vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Nyaya yemhirizhonga munguva yesarudzo ndicho chimwe chikonzero chinonzi chinopa kuti Zimbabwe inzi haiite sarudzo dzakachena.

Zanu PF iri kumirirwa na Amai Beauty Chabaya avo vari kukwikwidzwa nevanopiksa vashanu vanoti, VaKudakwashe Gopo ve Zimbabwe People First, VaHeya Shoko vakazvimirira, VaInnocent Muzvimbiri vakazvimirira va madock pamwe naVaTerence Makumbo veProgressive Democrats of Zimbabwe.

VaChivasa vaudza Studio 7 kuti vanhu vakavarova vaisvika makumi matatu uye vaishandisa motokari yaVaKatsiru.

Hurukuro naVaMaddock Chivasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaKatsiru vati havanei nechekuita nemhirizhonga sezvo vari madzibaba.

Zvichakadaro masangano anoongorora sarudzo eZimbabwe Election Support Network uye yeElection Resource Centre vashora zvikuru nyaya yemhirizhonga iyi.

Vaongorori vesarudzo veZESN vanoti mapato ose anofanira kutsvaga rutsigiro murunyararo.

Mukuru weZESN Amai Rindai Chipfunde Vava vakurudzira mapurisa neveZimbabwe Human Rights Commission kana kuti ZHRC kuti vaongorore nyaya yemhirizhonga.

Vakurudzirawo kuti paumbwe komiti inoongorora mhirizhonga yeSpecial Investigative Council ine mapurisa, mapato uye ZHRC.

ERC yakurudzira Zimbabwe kuti iremekedze mitemo yeSADC panyaya yesarudzo.

XS
SM
MD
LG