Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoronga Kuendesa vaKasukuwere kuDare neKuvhiringidza Mashandiro eKanzuru yeGweru


VaDouglas Mwonzora

Munyori mukuru mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora vanoti vari kuzoendesa kumatare gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere nenyaya yekuvhiringidza kushanda kwameya weguta reGweru VaHamutendi Kombayi nemakanzura avo.

VaKasukuwere vakamisa makanzura aya basa gore rapera asi dare repamusoro reHigh Court rakati zvavainge vaita kutyora mutemo.

Vakabva vakwira kudare repamusoro reSupreme Court asi vakazobvisa nyaya yavo mudare. Asi vachiramba kudzora VaKombayi nevamwe vavo pabasa.

Vachibvunzwa mudare reparamende VaKasukuwere vakati vari kuda kushandisa mutemo mutsva wekutongwa kwematunhu kuendesa makanzura aya pamberi pedare kana kuti tribunal.

Hatina kukwanisa kubata VaKasukuwere kuti tinzwe divi ravo. Asi VaMwonzora vanoti rwendo rwuno vanoda kuti VaKasukuwere vabhadhariswe mari nedare kuripa vanhu vavanoti vari kutyorerwa kodzero dzavo.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG