Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveG40 neTeam Lacoste Zvoburitsirana Makano muZanu PF


New Justicve Minister Emmerson Mnangagwa and Information Minister Jonathan Moyo
New Justicve Minister Emmerson Mnangagwa and Information Minister Jonathan Moyo

Kunetsana mubato reZanu-PF kwave kutanga zvekare apo bato iri rave kutanga kuita gadziriro yesarudzo dzemuna 2018.

Nemusi weChitatu, masachigaro nevanoona nezvematongerwo enyika mubato iri vakadaidzwa kuHarare nevanoona nezvegwara rebato, kana kuti Political Commissar, VaSaviour Kasukuwere, vakashora mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vachivati vakaita mabiko nevanhu vakadzingwa mubato vachipemberera goredzva kuZvishavane.

Vachitaura vakamirira masachigaro, uye vari sachigaro weZanu PF kuManicaland, VaSamuel Undenge, vanoti vari kushora vatungamiri venyika vanodyidzana nevakadzingwa mubato.

Vakadaidzira musangano vanonzi vari kuchikwata cheGeneration 40 avo vanonzi vaburitsirana makano nevanotsigira VaMnangagwa kana kuti Team Lacoste.

Nyaya iri kunetsa mubato ndeyekuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri wenyika nebato, VaRobert Mugabe, kana vachinge vasiya basa.

Vaive sachigaro veYouth League muZanu-PF kuMashonaland West vasati vadzingwa, VaVengai Musengi, avo vakange vari kumabiko aya, vanoti havana chakaipa chavakaona kunoonana naVaMnangagwa kunyangwe vakadzingwa mubato.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muTeam Zanu-PF, VaJason Zhuwao, vanoti havanzwisise kuti sei vanhu vakadzingwa mubato vachiramba vachida kuzemberana naVaMnangagwa pamwe nekukanganisa bato reZanu-PF.

VaZhuwao mwana waVaPatrick Zhuwao vanova muzukuru waVaMugabe.

Hurukuru naVaJason Zhuwao naVaVengai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG