Gavhuna webhanga guru renyika Dr John Mangudya vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwemafambisirwo emari kana kuti Monetary Policy mukupera kwaNdira gore rinouya.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti VaMangudya vanofanira kusunga dzisimbe nekuti hupfumi hwagwadama.
Hurumende inoti chapa kuti hupfumi huende kumawere inyaya yekuti nyika yakatemerwa zvirango nehurumende dzenyika dzakabudirira dzakaita seAmerica nenyika dziri musangano reEuropean Union.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari chipangamazano chehurumende vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe vanoti VaMangudya vanofanira kuparurwa hurongwa hunokurudzira kufamba zvakanaka kwemaindustry kuti Zimbabwe ikwanise kugadzira zvinhu zvinotengeswa kunze.
Vati izvi ndizvo chete zvichapa kuti dambudziko rekushomeka kwemari ripere.
Vatiwo VaMangudya havana zvakawanda zvavangaite asi sechipangamazano chegurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vanofanira kupa mazano anobatsira nyika.