Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kusvika muGhana manheru eChishanu chino zvichitevera kukokwa kwavo kuti vange vari pamabiko ekutora mhiko kwemutungamiri mutsva wenyika iyi.
VaNana Addo Dankwa Akufo-Addo, avo vaive mutungamiri webato raipikisa muGhana, reNew Patriotic Party, vakakunda musarudzo dzakaitwa munyika iyi gore rapera.
VaAkufo-Addo ndivo mutungamiri wechishanu weGhana kusarudzwa neveruzhinji. Vamwe vatungamiri venyika iyi vaipinda mukutonga vachishandisa chisimba.
Mumwe ari kuperekedza VaTsvangirai mumwe wevatevedzeri waivo VaTsvangirai, VaNelson Chamisa, avo vatosvika muGhana kare, vanoti vanofara kuti VaTsvangirai vachange vari pahurongwa hwekutoreswa mhiko kwaVa Akufo-Addo.
Hatina kukwanisa kuziva kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakokwa here kana kuti kwete.