Accessibility links

Breaking News

VaObama Vowedzera neGore Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Mutungamiri weAmerica ari kusiya basa nemusi weChishanu, VaBarack Obama, vawedzerazve nerimwe gore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nehurumende yavo.

America yakadzika zvirango izvi muna 2003 ichitungamirwa naVaGeorge Bush uye VaObama vakaenderera mberi vachizviwedzera negore.

America inoti zvirango izvi zviri kuwedzerwa nenyaya yekuti vamugabe nehurumende yavo vari kuenderera mberi vachityora kodzero dzevanhu.

Asi Zimbabwe inoti zvirango zvakadzikwa nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Nhengo yeZanu-PF inomiririra Makonde uye vari sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vanoti vanofunga kuti mutungamiri weAmerica ari kuuya VaDonald Trump vachbvisa zvirango izvi.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge , vanoti hapana chaitwa neZimbabwe chingapa kuti zvirango zvibviswe.

Vati hurumende yaVaMugabe iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda




XS
SM
MD
LG