Accessibility links

Breaking News

Paramende Yozeya Bhiri Rinobata maBond Notes


VaPatrick Chinamasa

Dare reparamende nemusi weChipiri rakatanga kuzeya bhiri remutemo wekuvandudza mutemo weReserve Bank of Zimbabwe Act kuti ma bond notes arambe achishanda zviri pamutemo.

Gore rapera mabond akaparurwa pachishandiswa mutemo wechimbi chimbi unodzikwa pachishandiswa masimba emutungamiri wenyika kana kuti Presidential Powers Temporary Measures unoshanda kwemwedzi mitanhatu.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vange vachipindura mibvunzo kubva kunhengo dzedare reparamende nezvebhiri iri.

Asi kusvika pari zvino hapasati pajeka kuti ma bond notes imari here kana kuti muripo kana kuti incentive unopihwa vanenge vachiunza mari yekunze munyika.

Vanokokera bato rinopikisa reMDC-T, VaInnocent Gonese, vanoti mutemo uyu wakangoitwa zvechimbi chimbi.

Rimwe gweta vachimbomirira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pane dzimwe nyaya, VaTerrence Hussein, vatenderana naVaGonese

VaGonese vanoti sebato pane zvakawanda zvavasiri kutenderana nazvo pakuparurwa kwemabond notes.

Asi kubva zvatanga kushanda mabond notes maraini mumabhanga anonzi ave mashoma sekutsanangura kwemutevedzeri wemukuru weConfederation of Zimbabwe Industries VaCallisto Jokonya.

Kunyange hazvo ma bond notes aya ari kutambirwa munyika, paita dambudziko rekuti haasi kutenga kunze sekutsanangura kwaVaJokonya.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Prosper Chitambara vesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Nyaya yekushomeka kwemari yekunze yave kupa kuti vamwe vemabhizimisi varambe kutambira mabond notes kana maATM cards vachiti vanoda dhora rekuAmerica chete.

Asi vanhu ava vangamanikidzwe here pamutemo kubva mabond notes? VaHussein vanoti hazvikwanisike sezvo zvisiri pamutemo.

Ma bond notes akaparurwa mukupera kwegore rapera mushure mekunge nyika yaita dambudziko rekushaya mari.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG