Accessibility links

Breaking News

Kuenda kwaVaMugabe kuZororo Nyika Ichinetseka Kokonzera Mutauro


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemhuri yavo vari kuzororo kunyika dzekumabvazuva dzakaita seSingapore neChina.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemhuri yavo vari kuzororo kunyika dzekumabvazuva dzakaita seSingapore neChina.

Vakawanda vari kushora danho iri zvikuru vachiti VaMugabe nemhuri yavo vari kudya norivha asi vanhu vakawanda vachinonga svosve nemuromo.

Chiri kunyanya kurwadza vakawanda idambudziko renzara iro rinonzi riri kuvhiringa vanhu vanodarika mamiriyo mana.

Pamusoro pezvo, vanhu vari kushaya mari mumabhanga. Zvinhu munyaya dzezvehutano hazvinawo kumira zvakanaka.

Apo VaMugabe vari kudya vachipfachura, munyika matanga kupararira zvirwere zvakaita setyphoid uye kuchityirwa kuti kungangotanga chirwere checholera izvo zvinokonzerwa nehurombo kunyanya.

Rwendo rwaVaMugabe rwemwedzi wose urwu runonzi rwuri kushandisa mari inodarika mamiriyoni matanhatu emadhora.

Mari iyi yakawanda zvikuru zvekuti inogona kugadzirisa nyaya dzemvura.

Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party uye vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti VaMugabe vanoshandisa mamiriyoni akawanda kudai panzendo dzavo idzi.

Vamwe vanoti zvaive nani dai VaMugabe vachiita zororo ravo munyika mari yoshandiswa kugadzirisa zviri kunetsa.

Asi vatsigiri vaVaMugabe vanoti hapana chakaipa kuti VaMugabe vambodekarewo.

Nhengo yebato reZanu-PF inomirira Makonde mudare reparamende, VaKindness Paradza, vanoti hapana chakaipa kuti VaMugabe vaende pazororo.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti VaMugabe havafanire kuenda kuzororo sekunge vane basa ravari kuita.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG