Accessibility links

Breaking News

Vashandirwi Vanoti Mutemo Ngauvandudzwezve Kuti Vakwanise Kudzinga Vashandi Basa Nyore


Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaisa ruoko rwavo pamutemo wekuvandudza mitemo yevashandi kana kuti Labour Ammendment Act muna 2015, kusvika parizvino hapana kuwirirana kuti ndiyani chaiye akabatsirwa nemutemo uyu.

Vashandirwi vanoti mutemo uyu wakavatsikirira zvimwe chetezvo zviri kutaurwa nevashandi.

Mutemo uyu wakadzikwa mushure mekunge dare repamusoro soro ratura mutemo wekuti vashandi vanokwanisa kudzingwa mabasa mushure mekuziviswa pachine mwedzi mitatu chete.

Izvi zvakapa kuti vanhu vanosvika zviuru makumi maviri nevashanu varasikirwe nemabasa. Mukuru wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce VaChristopher Mugaga vanoti vari kuda kuti mitemo iyi ivandudzwe kuti vakwanise kumisa vashandi basa zviri nyore.

VaMugaga varamba mashoko ekuti kusafamba zvakanaka kwemabhizimisi hakunei nekugumura vashandi.

Mashoko aya atsinhirwa nemutevedzeri wemutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries VaCallisto Jokonya avo vati mari yekumisa mushandi basa ichiri yakawanda zvikuru.

Asi munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo varamba mashoko aya.

VaMoyo vati mitemo yemunyika isinei nevashandi ndiyo inopa kuti zvinhu zvisashande munyaya dzezvehupfumi. Vapa semuenzaniso mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Godfrey Kanyenze vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vatenderana naVaMoyo avo vati nyaya yehuwori iri kupawo kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo yevashandi VaRogers Matsikidze vanoti semaonero avo, mutemo wakavandudzwa unotopa vashandirwi simba rakawanda rekudzinga vashandi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nekusamira zvakanaka kwehupfumi vanhu vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana havana mabasa.

Asi hurumende inoti vanhu vasina mabasa zvikamu gumi kubva muzana nekuti vakawanda vanozviitira mabasa emaoko.

Hurumende nemakambani vari kukundikana kubhadhara vashandi zvapa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG