Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvingadzidzwe neZimbabwe Kubva kuAmerica neGambia


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica mutsva, VaDonald Trump, vari kutora mhiko nemusi weChishanu muWashington DC apo vatungamira America kwemakore masere apfuura, VaBarack Obama, vanenge voenda pamudyandigere.

Asi kunyange hazvo kuine vamwe vari kuratidzira kusafara neizvi, kuchinjana masimba kuri kuitwa murunyararo muAmerica.

Asi kuAfrica zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuGambia uko vakakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika, VaYahya Jammeh, vari kuramba kusiya chigaro.

Izvi zvapa kuti venyika dzekumawirira kwe Africa vari musangano reECOWAS vati vave kutumira mauto kunovabvisa nechisimba.

Vakakunda musarudzo idzi, VaAdama Barrow, vamanikidzwa kutora mhiko kuSenegal kumuzinda wenyika yavo. Ko Zimbabwe chii chaingadzidze pane zviri kuitika muAmerica nekuGambia.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, avo vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch, vanoti vatungamira venyika dzemuAfrica vanofanira kudzidzira kusiya basa murunyararo kana vakundwa musarudzo.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika asi vakarerekera havo kuZanu-PF, VaGadzira Chirumanzu, vanoti hongu nyika dzekuAmerica dzine zvakawanda zvekudzidza asi kuAmerica kunomboitawo mutauro munyaya dzesarudzo.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaGadzira Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG