Accessibility links

Breaking News

Matare Otanga Kunzwa Nyaya dzeVakasungwa Mukuratidzira Gore Rapera

Zimbabwean police arrest an MDC supporter in Harare recently … Activists say ongoing political unrest in Zimbabwe makes it dangerous for migrants in South Africa to return to their homeland
Zimbabwean police arrest an MDC supporter in Harare recently … Activists say ongoing political unrest in Zimbabwe makes it dangerous for migrants in South Africa to return to their homeland

Matare atanga kunzwa nyaya dzenhengo dzeMDC-T uye vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vakasungwa gore rapera vachipomerwa mhosva dzine chekuita nekuratidzira kusafarira hurumende yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Vamwe vakasungwa inhengo dzedare reparamende dzinosanganisira VaFani Munengami naAmai Ronia Bunjira.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanosanganisira VaPromise Mkwananzi, VaStern Zvorwadza, mufundisi Phillip Mugadza nevamwe.

Asi vamwe vakasungwa gore rapera vana vanoti Muzvare Lynette Mudewe veZimbabwe Activists Alliance, VaDirk Frey, VaAlvin Takavada naVaElvis Mugari vakaendesawo kumatare mukuru wemapurisa, vaaugustine chihuri, vachiti kusungwa kwavakaitwa gore rapera kwainge kusiri pamutemo.

Vana ava vakasungwa vachiratidzira kuti mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vabude muhotera yeRainbow Towers yavaigara vachiti vainge vasati vawana imba yakakodzerana nechimiro chavo.

Vana ava vanoti vanoda mari inosvika zviuru gumi nezvinomwe zvemadhora.

Nemusi weMuvhuro imwe nyaya yevanhu makumi manomwe nevana vakasungwa musi wa4 Chikunguru 2016 pakuratidzira kwakavharisa maguta akawanda kuchitungamirwa neve Hash Tag This Flag neveTajamuka hakuna kuzoenderera mberi mudare ramejastiriti sezvo vachuchusi vati vanoda nguva yekuunganidza humbowo.

Gweta revanhu ava richishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTrust Maanda, vanoti vachuchusi vakauya vasina kugadzirira musiwa 31 Ndira vachikumbira dare kuti riti vanhu ava havana mhosva.

Hurukuro naVaTrust Maanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG