Accessibility links

Breaking News

VaParirenyatwa Voyambira Vanhu Kuti Vasamwe Mvura Ine Tsvina


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vari kukurudzira vanhu kuti vangwarire mvura yavari kunwa kuti vasatapurirwe zvirwere zvakaita setyphoid kana manyoka zvokonzerwa nekuwandisa kwemvura iri kunaya.

Mvura iri kunaya iyi yakonzera mafashamu munzvimbo dzakawanda. Dr Parirenyatwa vakurudzirawo vezvikoro zvema boarding schools kuti vasakurumidze kutumira vana kumba kana paita zvirwere zvemanyoka vachiti vanofanira kuita izvi chete kana nyanzvi dzaongorora dambudziko racho.

MuHarare vanhu vaviri vakafa nechirwere chetyphoid uye vanhu vakawanda vakarwara nacho.

Bazi rezvehutano rinotiwo zvibhorani zvakawanda kuMbare neSuuningdale zvinofanira kuvharwa sezvo zviine hutachiona zvichitevera ongororo yakaitwa.

Zvirwere zviri kutyirwa kuti zvichapararira sezvo muHarare musina mvura yakachena uye magoronga anotakura mvura akavhara.

XS
SM
MD
LG