Accessibility links

Breaking News

Makomba Azara Mumigwagwa Orwadza Vakawanda

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu nezvivakwa, Doctor Joram Gumbo, vanoti mukutanga kwegore rino vari kutanga mabasa ekugadzira migwagwa mikuru yakaita seHarare kusvika kuChirundu uye weBeitbridge kusvika Victoria Falls.

Vanhu vakawanda munyika vari kugunun’una kuti migwagwa yose munyika yazara makomba ave kukonzeresa njodzi.

Panewo kukandirana makobvu nematete pakati pemakanzuru neZimbabwe National Roads Administration kana kuti Zinara nemari dziri kunzi nemamwe makanzuru dziri kutorwa neZinara asi dzisiri kuzoendeswa kumakanzuru.

Mari idzi dzinosanganisa dzema toll gates uye dzemitero yemotokari.

Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni, vanoti Zinara inofanira kuvapa mari inosvika mamiriyoni makumi mana nemanomwe emadhora pagore asi vari kungopihwa miriyoini imwe chete yemadhora zvopa kuti migwagwa yemuharare izare makomba.

VaGumbo vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vachaparura zviri pamutemo kutanga kwekuvakwa kwemugwagwa hweHarare kusvika Chirundu.

Hurukuro naVaJoram Gumbo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG