Accessibility links

Breaking News

Kuipa kweMigwagwa Kwokanganisa Hupfumi muZimbabwe


Kunyangwe hazvo vanhu vakawanda munyika vari kufara kuti mvura gore rino yaturuka uye vachazadza matura, zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvivakwa zvenyika zvakaita semigwagwa iyo yazara makomba.

Kunze kwekukanganisa zvakanyanya nyaya yezvehupfumi, vanhu vakawanda vari kupararawo mumigwagwa iyi.

Mugwagwa mukuru ungadai uchiunza hupfumi munyika kuburikidza nemitero yemotokari nemabhazi anenge akatakura zvinhu mugagwa weBeitbridge-Harare-kusvika kuChirundu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vanoti migwagwa ndiho hupfumi.

Mugwagwa uyu unoshandiswa nenyika dzakawanda dzemuSADC idzo dzave kuronga kutsvaga mumwe mugwagwa nenyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu muZimbabwe.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, Doctor Joram Gumbo, vanotenda kuti mugwagwa uyu wakakosha zvikuru.

Gwaro rakaburitswa nenyika dzemuSadc muna 2001 rakati mugwagwa mumwe chete pamitatu muZimbabwe haina kumira zvakanaka zvakapa kuti South Africa nedzimwe nyika dzitange kutsvaga mazano ekusadarika nemuZimbabwe zvichapa kuti Zimbabwe irasikirwe nemari yakawanda.

Muna 2013 bhanga reDevelopment Bank of Southern Africa iro rakabatsira Zimbabwe kugadzira mugwagwa wePlumtree-Bulawayo-Harare-Mutare rakati Zimbabwe inoda kubatsirwa zvakanyanya kugadzira migwagwa yayo nekuti yakakosha zvikuru munyaya dzezvehupfumi muAfrica yose.

Asi Dr Gumbo vanoti kutanga gore rino mugwagwa uyu uchagadziriswa.

Mugwagwa uyu waurayawo vanhu vakawanda zvikuru sezvo uchishandisa nevanoenda kunotenga zvinhu kuSouth Africa.

Mukuru weInternational Cross Borders Association, VaDennis Juru, vanotenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka vachiti zvinotora mazuva akawanda kubva kuSouth Africa nenyaya yemakomba ari munzira.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti nyaya yekuti migwagwa haina kumira zvakanaka iri kupa kuti zvinhu zvakawanda munyika zvidhure.

Zimbabwe haina zvitima zvakawanda zvekutakura zvinhu zvopa kuti vakawanda vashandise migwagwa chete izvo zvinodhura.

Kambani yeNational Railways of Zimbabwe yave nemakore ichitatarika.

Ko chi chinopa kuti hurumende itadze kugadzirisa zvivakwa?

Vaimbova gurukota rezvemari vave kutungamira bato rePeople Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti mari yehurumende iri kuperera mukubhadhara vashandi vayo izvo zvinozoita kuti isare isina mari yekugadzirisa zvivakwa zvayo.

Doctor Gumbo vanoti kugadzira mugwagwa weBeitbridge-Harare-kusvika kuChirundu kunokwanisa kuwanisa vanhu zviuru mazana matatu mabasa.

Asi Doctor Mugano vanoti nenyaya yehuori zvinogona kuva zviroto zvekare.

Dzimwe nyika dzisina mari dzinoita zvirongwa zvinonzi Build Operate and Transfer zvichireva kuita mushandirapmwe nenyika dzekunze kana makambani vovaka migwagwa makambani ekunze otora mitero kwemakore akati wandei.

Asi izvi hazvisi kuitwa muZimbabwe pari zvino. Doctor Mugano vanoti South Africa inokwezva vekunze nekuti ine zvivakwa zvakanaka.

Mumaguta migwagwa mizhinji yazarawo makomba nenyaya yekuvharika kwemagoronga anofanira kutakura mvura asiri kugadzirwa nemakanzuru.

Makanzuru ari kunakurira Zimbabwe National Road Authority kana kuti ZINARA nyoka mhenyu achiti iri kutora mari yemitero asi haina zviri kuita kugadzirisa migwagwa.

Mahombekombe enyanza iri pedyo neZimbabwe ari kuBeira kuMozambique uye Zimbabwe iri mutsinga dzenjanji yeTazara zvichireva kuti inokwanisa kuenda kunyanza yekuTanzania ichipfuura nemuZambia.

Asi hupfumi hwenyika hausi kunyatsofamba nekuti migwagwa nenjanji hazvina kumira zvakanka.

Kunze kwemigwagwa isina kumira zvakanaka, nyika hainawo magetsi mvura nezvimwe zvakakosha mukukwezva vekunze vanoda kutanga mabhizimisi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG