Accessibility links

Breaking News

Mashonaland West Yokurudzira Kuti VaPeter Chanetsa Vaitwe Gamba reNyika


Zimbabwe Heroes Acre

Vaimbova gavhuna wedunhu reMashonaland West VaPeter Chanetsa vashaya nhasi kuchipatara cheParirenyatwa hospital muHarare mushure mekurwara nechirwere cheshuga.

Vakuru vebato reZanu-PF mudunhu iri vanonzi vaita chikumbiro chekuti VaChanetsa vaitwe gamba renyika.

Nhengo yeZanu-PF vachimiririra Makonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanoti VaChanetsa igamba renyika sezvo vakashanda zvakasimba kubatsira muhondo yechimurenga uyezve kuenderera mberi nemabasa akanaka nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mutungamiri wesangano revadzidzi pa University of Zimbabwe VaTinotenda mhungu vanoti vadzidzi vari kunetsekana zvikuru nekushaya kwevakambotungamira vadzidzi paUniversity of Zimbabwe muna 1990 na1991 VaPaul Rumema Chimhosva.

VaChimhosva vakadonha vachibva vashaya kuSouth Africa nemusi wesvondo. Hapasati panyatsozivikanwa kuti chii chakapa kuti vashaye. Vange vave kushanda kuSouth Africa kukambani inonzi Exxaro Resources.

VaChimhosva vakadzingwa paU.Z mushure mekuratidzira vakazonopedzisa zvidzidzo zvavo kuSouth Africa.

XS
SM
MD
LG