Accessibility links

Breaking News

ZIFA Inoti Gadziriro yemaWarriors Iri Kufamba Zvakanaka


ZIFA HOUSE
ZIFA HOUSE

Mutauriri weZIFA VaXolisani Gwesela vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka mukamba mavo zvekuti vari kushamisika nevanhu vari kuti gadziriro dzechikwata chemaWarriors dzekuenda kumakwikwi eAfrica Nations Cup kuGabon hadzisi kufamba zvakanaka.

Kunyangwe hazvo nyika dzakawanda dziri kuenda kumakwikwi aya dziri kutamba mitambo yekuedzana simba, Zimbabwe haisi kuita izvi nekuda kwekushaya mari. Vamwe vange vachitiwo vatambi havasi kufara nekubatwa kwavari kuitwa neZIFA.

Asi VaGwesela vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka uye Zimbabwe ichatamba neCameroon isati yaenda kumakwikwi aya.

Zimbabwe iri muchikamu chinonzi nevakawanda ndicho chewafa wafa chine zvikwata zvine mukurumbira zvakaita seTunisia, Algeria neSenegal.

Mitambo yeAFCON iri kutanga musi wa14 Ndira uye Zimbabwe ichatanga musi wa 15 Ndira neAlgeria.

Hurukuro naVaXolisani Gwesela
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG