Dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuenderera mberi uye mabhanga ese nhasi ange aine mitsetse yakareba yevanhu vange vachida mari uye vazhinji vataura neStudio 7 vanoti vave kubatwa neseri kweruoko nemabhanga.
Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwevanhu nezvinhu Doctor Joram Gumbo vari kukurudzira vanhu kuti vatyaire dzimotokari vakangwarira njodzi.
Hurumende yeZimbabwe iri kushorwa zvikuru nekutengesa nzou makumi matatu kuchina nemusi wechishanu.
Mutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi vanoti vanhu gumi nevatanhatu vakashaya nemusi weSvondo pazuva rekisimusi.
Zimbabwe nemusi weChina yakacherechedza zuva rakakosha zvikuru rekunyoreranwa kwechibvumiramo chekubatana kweZanu-PF nePatriotic Front ZAPU kana kuti Unity Accord.
Bazi rePublic Service Commision riri kukurudzira gurukota rinoona nezvevechidiki, VaPatrick Zhuwao, kuti vagumure basa vechidiki kana kuti mayouth officers vari kutambiriswa mari nehurumende vari muma ward ose enyika.
Mutongi wedare redzimhosva, VaClement Phiri, vapa masimba kuchikonzi chematare kuti chinobvisa vanhu vakaiswa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, padzimba nhatu dziri muharare dzeimwe shoroma inogara kuDubai, VaJamal Ahmed.
Vemabhizimisi nevashandi vane muonero wakasiyana panyaya yekushomeka kwemari nemanetsero ari kuita zvinhu munyika.
Bato riri kutonga reZanu-PF sezvange zvakatarisirwa nevakawanda munyika rakabuda nechisungo pamusangano wayo wepagore weannual conference kuMasvingo mukupera kwesvondo chekuti mutungamiri waro uye vari mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo vachamiririra bato iri musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2018.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kutaura pamusangano webato ravo repagore kuMasvingo.
Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vayambira kuti zvinhu munyika zvichatonyanya kuita manyama amire nerongo muna 2017 zvichikonzerwa nekutadza kutungamira kwavanoti kuri kuitwa nebato reZanu-PF.
Hurumende kuburikidza nebazi rezvemaindustry nekutengeserana, sangano Hurumende kuburikidza nebazi rezvemaindasitiri nekutengeserana, sangano reZimbabwe Evidence Informed Policy Network kana kuti ZEIPNET uye sangano reZIMTRADE, inoti zvekudya zvinofanirwa kutengeswa kunze kwenyika kuitira kuti nyika iwane mari.
Musangano wepagore weZanu-PF annual conference uri kutarisisirwa kutanga neChipiri pachiitwa musangano weCentral Committee uchizoteverwa newePolitburo nemusi weChitatu muHarare.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekuita sarudzo dzine mutauro iri kupa kuti Zimbabwe ibatwe seyakageza negoka munyama nenyika dzekunze uye zviri kupa kuti zvinhu zvirambe zvakaita manyama amire nerongo.
Dare repamusoro rapa mutongo wekuti gurukota rinooona nezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vari kutyora mutemo nekupa vechidiki vebato ravo nzvimbo dzekuvakira dzimba.
Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe nemusi weChitatu rakazivisa kuti richaparura imwe mari yemabond notes mamiriyoni manomwe.
Gavhuna webhanga guru enyika, Va John Mangudya, vave nevhiki rimwe chete vaparura mabond notes kuti vayedze kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari.
Makambani aya anoti akatarisana nematambudziko munyaya dzemutengo wemagetsi, kuwanikwa kwemari yekuwedzera mabasa pamwe nezvimwe zvaanoshandisa zvisiri kuwanikwa.
Mamwe mapato anopikisa ange achiita nhaurirano dzekuyedza kubatana pamberi pesarudzo dzemuna 2018, akapeta nhaurirano idzi muCape Town kuSouth Africa nemusi weChina.
Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anopikisa munyika ari kucapetwon, South Africa kumusangano wekuyedza kuita mushandirapamwe pasati paitwa sarudzo muna 2018.
Rodhai zvimwe