Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoshorwa neKutengesa Nzou kuChina


.
.

Hurumende yeZimbabwe iri kushorwa zvikuru nekutengesa nzou dzinodarika makumi matatu kunyika yeChina nemusi weChishanu.

Gurukota rinoona nezvezviwanikwa Amai Oppah Muchinguri Kashiri vanoti Zimbabwe iri kutengesa nzou kuChina nekuti dzawandisa.

Asi vamwe vakaita saVaJohnny Rodrigues vesangano reZimbabwe Conservation Task Force vanoti hurumende iri kutengesa nhaka yevana veZimbabwe.

Nyaya yekuti nzou dziri kupedzwa nekuvhimwa zvisiri pamutemo kune dzimwe nyika ndiyo iri kupa kuti mubatanidzwa wegungano reConvention on International Trade in Endangered Species of Wild Fauna and Flora kana kuti CITES uti Zimbabwe nedzimwe nyika dzimire kutengesa nyanga dzenzou.

Asi Zimbabwe inoti ine nzou dzakatowandisa uye inofanira kutenderwa kudzitengesa.

Nyanga dzenzou dzinowanzotengeswa kuChina uko dzinofungidzirwa kuti dzine mushonga unoshandiswa kurapa zvimwe zvirwere.

Hurukuro naVaJohnny Rodriguez
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG