Zimbabwe nemusi weChina yakacherechedza zuva rekunyoreranwa kwechibvumiramo chekubatana kweZanu-PF nePatriotic Front ZAPU kana kuti Unity Accord.
Chibvumirano ichi chakanyoreranwa musi wa22 Zvita 1987 pakati paVaRobert Mugabe veZanu PF namushakabvu Joshua Nkomo vePF ZAPU.
Mapato maviri aya ainge arwa ose muhondo yeChimurenga asi akazoita makara asionane zvakabva zvaita kuti varwisane nyika yawana kuzvitonga kuzere muhondo yakazivikanwa nerekuti Gukurahundi.
Hurumende yaVaMugabe yakatumira mauto eFifth Brigade kumatunhu eMidlands neMatabeleland uko yaiti kune vainge vaiipandukira.
Asi veZAPU vanoti iyi yainge iri hondo yemarudzi.
Ko zuva iri rakakosha zvakadii munhoroondo yenyika?
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera havo kuZanu-PF, VaGadzira Chirumanzu, vanoti zuva iri rakakosha zvikuru sezvo rakaunza runyararo munyika.
Asi numwe murwiri wehondo yerusununguko vari kudivi reZIPRA, VaMax Mkandla, vanoti kunze kwekuunza runyararo, zviga zvechibvumirano ichi hazvina kuzadzikiswa sezvo Zanu-PF iri iyo ine zvigaro zvose zvepamusoro.