Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kugumura Basa maYouth Officers

Bazi rePublic Service Commision riri kukurudzira gurukota rinoona nezvevechidiki, VaPatrick Zhuwao, kuti vagumure basa vechidiki kana kuti mayouth officers vari kutambiriswa mari nehurumende vari muma ward ose enyika.

Vechidiki ava vanonzi vanosvika zviuru gumi uye vanonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vapa kuti hurumende itonyanye kutadza kubhadhara vamwe vashandi nenguva.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakazivisa kuti mari yakawanda yebhajeti yehurumende iri kuenda kumihoro yevashandi.

Asi VaZhuwao vakamboudza Studio 7 kare kuti vechidiki ava havasi kuzogumurwa basa sezvo vari kubatsira bazi ravo kuona zvirongwa zvinogona kuitwa nevechidiki.

Asi mukuru werimwe sangano revechidiki, rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vechidiki ava vari kushandiswa kushungurudza vanopikisa zvikuru munyaya yesarudzo.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG