Accessibility links

Breaking News

Kukwegura kwaVaMugabe Kwokonzeresa Mutauro Munyika


VaRobert Mugabe kumusangano weZanu-PF kuMasvingo
VaRobert Mugabe kumusangano weZanu-PF kuMasvingo

Bato riri kutonga reZanu-PF sezvange zvakatarisirwa nevakawanda munyika rakabuda nechisungo pamusangano wayo wepagore weannual conference kuMasvingo mukupera kwesvondo chekuti mutungamiri waro uye vari mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo vachamiririra bato iri musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2018.

Bato riri kutonga reZanu-PF sezvange zvakatarisirwa nevakawanda munyika rakabuda nechisungo pamusangano waro wepagore kuMasvingo mukupera kwesvondo chekuti mutungamiri waro uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vachamiririra bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018.

VaMugabe vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana uye vakakunda vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe pavanopedza temu yavo.

Asi vanhu vange vachitevera zvange zvichiitika kumusangano uyu vanoti bato iri rave kufanira kutaura zvizere nezvekuti ndiyani achavatsiva sezvo vari kuratidza kuti vakwegura uye kufamba kana kuita zvimwe zvinhu zvakaita sekudyara miti zvave kuvaremera.

Asi mukuru weZanu-PF Youth League, VaKudzai Chipanga, vanoti ivo sebato reZanu-PF vanomira naVaMugabe uye vanoda kuti vatonge nekusingaperi kana kusvika madhongi amera nyanga.

VaChipanga vanoti bumbiro remitemo yenyika rinotendedzawo VaMugabe kuti varambe vachitonga sezvo pasina makore akatarwa ekuguma kwekutungamira kwemutungamiri wenyika asi panongonzi anofanira kukwikwidza aine makore makumi mana chete.

Mutauririri webato rinopikisa uye vari gweta, VaObert Gutu, vanotenderana naVaChipanga panyaya yebumbiro remitemo asi vanoti VaMugabe havachakwanisa kutungamira nyika sezvo nyika yoda vanotemwa dzinobva ropa.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti dziri kushamisika kuti ko vanopikisa vanodei pamuchato wedhongi nebere sezvo kana vachiti VaMugabe havachakwanise kutonga ndivo vanozobudirira musarudzo.

Asi VaGutu vanoti zvavo ndezvetsiye nyoro.

Asi mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vanotiwo VaMugabe vanenge voremerwa nemutoro wekutonga.

Chimwe chisungo chakabuda pamusangano uyu kubva kubazi remadzimai reWomens League chiri kutiwo pavandudzwe bumbiro remitemo sezvakataurwa kare kuti mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika ave mudzimai.

Chisungo ichi chakabviswa pakabviswa Amai Joice Mujuru pachigaro chekuva mutevedzeri webato iri muna 2014.

Asi ikozvino chave kukonzera mutauro mubato sezvo vamwe vari kuti chakanangana nekuda kubvisa VaEmmerson Mnangagwa pachigaro chekuva mutevedzeri. VaMahiya vanotenderana nenyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, vanotungamira sangano reMedia Center vanoti VaMugabe vanokwanisa kutungamira pamutemo asi nyika yananga kumawere.

Ko remangwana renyika rakamira sei kana VaMugabe vachiramba vari panyanga pasina kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chavo?

VaMudzengi vanoti remangwana renyika harina kujeka.

Vamwe vari kuyambira kuti remangwana renyika richavarima kana VaMugabe vakasagadzirisa zviri mubato ravo.

Mubato iri mune zvikwata zviviri zvinoti Team Lacoste inonzi inotungamirwa naVaMnangagwa uye Generation 40 inonzi ine vatungamiri vakaita segurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, pamwe nemuzukuru waVaMugabe vari gurukota rezvevechidiki, VaPatrick Zhuwao.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG