Musangano wepagore weZanu-PF uri kutarisisirwa kutanga neChipiri pachiitwa musangano weCentral Committee uchizoteverwa newePolitburo nemusi weChitatu muHarare.
Asi vanhu vatotanga kusvika kuMasvingo uko kuri kuitirwa musangano wepagore uyu.
Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingidzira rekuti kufamba neZIMASSET murunyararo nemukubatana kana kuti “Moving with ZIMASSET in Peace and Unity.”
Musangano uyu uri kuitirwa paMasvingo Showgrounds uye uchapera nemusi weMugovera.
Vanhu zviuru zvinomwe vari kutarisirwa kupinda mumusangano uyu.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakwegura, zvainge zvakakosha kuti nyaya yekuti ndiyani achavatsiva ikurukurwe sarudzo dza2018 dzisati dzaitwa.
Asi matunhu ose eZanu-PF akatozivisa kuti ari kutsigira VaMugabe kuti vamiririre bato musarudzo. Izvi zvinonzi zviri kupa kuti mubato muite kunetsana kwakasimba.
Vamwe vari kuchikwata chinozviti Generation 40 vachitsigirwa negurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, negurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, avo vari kuti vave kuda kuti bumbiro rebato rivandudzwe kuitira kuti mudzimai ave mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika sezvaimboitwa kare.
Izvi zvinonzi nevanonzi vari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vanonzi Team Lacoste, kuda kuvabvutira chingwa pamuromo.
Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, vanoti dunhu ravo ragadzirira kuita musangano we national conference uyu.
Amai Mahofa vanoti zvekuti vasarudze mumwe mutungamiri wenyika hazvina nematuro ose nekuti vane chivimbo naVaMugabe.
Uyewo musangano uyu hauna masimba ekuita sarudzo sezvo chinangwa chawo chiri chekuona kuti bato riri kuzadzisa here zvisungo zvakaitwa nekongiresi yekupedzisira.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari chipangamazano musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti Zanu-PF ikasataura nezvekuti ndiyani achatsiva VaMugabe ichapa kuti mubato iri murambe muine zinyekenyeke.