Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voyambira Vanhu Kuti Vakasanyoresa Kuvhota Vacharamba Vachinetseka


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vayambira kuti zvinhu munyika zvichatonyanya kuita manyama amire nerongo muna 2017 zvichikonzerwa nekutadza kutungamira kwavanoti kuri kuitwa nebato reZanu-PF.

Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vayambira kuti zvinhu munyika zvichatonyanya kuita manyama amire nerongo muna 2017 zvichikonzerwa nekutadza kutungamira kwavanoti kuri kuitwa nebato reZanu-PF.

Vachitaura mashoko avo ekupera kwegore kuvatungamiri vebato ravo muHarare nemusi weChitatu, VaTsvangirai vakati vanhu vemuZimbabwe vanokwanisa chete kubuda mumadhaka avari ndokunge vanyoresa kuvhota vozonovhota muna 2018.

VaTsvangirai vaenderera mberi vakati gore rinouya bato ravo richasimbisa nyaya yekuti vanhu vanyorese kuvhota.

Vatiwo hurumende inofanira kumira kutyora kodzero dzevanhu nekuvapamba sezvakaitwa VaItai Dzamara avo vanofungidzirwa kuti vakapambwa nevasori gore rapera vachibva vatsakatika.

VaTsvangirai vati Zimbabwe nofanira kutanga kudyidzana zvekare nedzimwe nyika kuitira kuti ibudirire.

Vashorawo nyaya yehuori hwavanoti huri kuitwa muhurumende vachipa muenzaniso mari yezimdef inonzi haina kushandiswa zvakanaka negurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, avo vanonzi vakashandisa mari iyi kubatsira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuita misangano yeZanu-PF nezvimwe.

Vatiwo gore rinouya vari kuzosimbaradza kugadzirira sarudzo uye vachijekesa zvavanoda kuzoitira vanhu vakavhoterwa musarudzo.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vati vakagadzirira kushanda nemamwe mapato ane pfungwa dzinenge dzavo.

Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG