Accessibility links

Breaking News

Zvidyiwa Zvokurudzirwa Kutengeswa Kunze kweNyika


Zimtrade
Zimtrade

Hurumende kuburikidza nebazi rezvemaindustry nekutengeserana, sangano Hurumende kuburikidza nebazi rezvemaindasitiri nekutengeserana, sangano reZimbabwe Evidence Informed Policy Network kana kuti ZEIPNET uye sangano reZIMTRADE, inoti zvekudya zvinofanirwa kutengeswa kunze kwenyika kuitira kuti nyika iwane mari.

Hurumende kuburikidza nebazi rezvemaindasitiri nekutengeserana, sangano reZimbabwe Evidence Informed Policy Network kana kuti ZEIPNET uye sangano reZIMTRADE, inoti zvekudya zvinofanirwa kutengeswa kunze kwenyika kuitira kuti nyika iwane mari.

Izvi zvakabuda pamusangano wakakosha muHarare neChipiri wekuyedza kuumba hwaro hwekukurudzira kutengeswa kunze kwezvidyiwa nemichero zvinowanikwa munyika kana kuti indigenous foods.

Chirongwa ichi chakanangana zvikuru nemadzimai.

Mukuru wesangano reZEIPNET, VaRonald Munatsi, vaudza Studio 7 kuti vaona zvakakosha kuita musangano uyu kuitira kuti varovanise misoro vachitsvaga nzira dzekuona kuti vangatengese sei zvinhu izvi kunze.

Ko zvii zvikafu zvinenge zvichitengeswa?

Amai Pamela Muzenda veZIMTRADE vanoti michero inenge mawuyu, chakata, mazhanje, masawu nezvimwe zvine misika kunze kwenyika.

Zimbabwe kazhinji inotengesa zvinhu zvakaita sefodya nezvicherwa zvakaita segoridhe nemangoda. Izvi zviri kukonzerwa nemisika yekunze isina kumira zvakanaka.

Ko zvidyiwa zvechinyakare zvingabatsire here munyaya dzekuwedzera zvinotegeswa kunze?

Amai Muzenda vanowedzera kuti pachine zvakawanda zvinoda kuitwa kuti nyika izokwanise kutenga zvidyiwa zvechinyakare kunze.

VaMunatsi vanoti semaonero avo pane mukana wakakura zvikuru ndokusaka varonga musangano wa

Asi dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzakaita Doctor Prosper Chitamba dzinoti iri idanho rakanaka chose asi pane zvimhingamupinyi zvinogona kuwanikwa.

Vachitura bhajeti ravo regore rinouya, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakati gore rinouya vari kutarisira kutengesa zvinhu zvinopfura mabhiriyoni matatu nezviuru zvina zvemadhora asi ichitenga zvinhu zvinosvika mabhiriyoni matanhatu nezviuru mazana matatu zvemadhora.

Izvi ndizvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi zviri kupa kuti nyika itatarike zvakanyanya munyaya dzezvehupfumi.

Hurumende kazhinji inoti chinopa kuti itadze kutengesa zvinhu kunze inyaya dzezvirango zvainoti yakatemerwa nenyika dzakabudiira dzakaita seAmerica nenyika dziri mumubatanidzwa weEuropean Union.

Asi vanopikisa nenyanzvi munya dzezvehupfumi vanoti kutadza kutonga kwehurumende yeZanu-PF ndiko kwapa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG