Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanobvuma Kuti Kunetsana muZanu-PF Kwauraya Bato


VaPhelekezela Mphoko, VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa.
VaPhelekezela Mphoko, VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kutaura pamusangano webato ravo repagore kuMasvingo.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kutaura pamusangano webato ravo repagore kuMasvingo nemusi weChishanu asi vari kupinda mumusangano uyu nyika ichitatarika uye bato ravo riine kunetsana kunotyisa.

VaMugabe mbune vakaudza musangano weNational Committee webato ravo kuti mumusangano mavo mapindwa napongwe nenyaya yekurwira zvigaro.

Vanoti bato ravo rakundikana kugadzirisa nyaya yezvehupfumi uho hwaenda kumawere zvichikonzerwa nenyaya yekurwira zvigaro.

Kunyange uyu musangano usiri wekongiresi inoitwa kamwe chete pamakore mashanu kutsvaga vatungamiri vatsva, vamwe munyika vanoti nemakore aVaMugabe zvave kuda kuti vataure kuti voenda pamudyandigere riini kuitira kuti kurwisana kupere.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda sechipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti VaMugabe vakundikana kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi gweta remuHarare rakarerekera kuZanu-PF, VaStephen Zvinavakobvu, vanoti VaMugabe vakasarudzwa nevanhu nekudaro vanofanira kusiyiwa vachitonga.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaStephen Zvinavakobvu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG