Accessibility links

Breaking News

Dare Roudza Amai Mugabe Kubuda Mudzimba Dzavakatora Zvine Chisimba Mukati


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mutongi wedare redzimhosva, VaClement Phiri, vapa masimba kuchikonzi chematare kuti chinobvisa vanhu vakaiswa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, padzimba nhatu dziri muharare dzeimwe shoroma inogara kuDubai, VaJamal Ahmed.

Mutongi wedare redzimhosva, VaClement Phiri, nemusi weChitatu vakapa masimba kuchikonzi chematare kuti chinobvisa vanhu vakaiswa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, padzimba nhatu dziri muHarare dzeimwe shoroma inogara kuDubai, VaJamal Ahmed.

Dzimba mbiri dziri kuAvondale uye imwe chete iri kuBorrowdale.

Dzimwe nguva shoroma iyi inombogara muHarare ichironga zvemabhizinesi ayo.

VaPhiri vatiwo vashandi vaVaAhmed vakanga vadzingwa naAmai Mugabe, vadzoserwe pabasa. Amai Mugabe vanonzi vakabvuta dzimba idzi nechisimba vachiti vanoda mari yavo inoita miriyoni imwe chete nemazana matatu ane makumi mashanu ezviuru zvemadhora, zvichitevera kuramba kwavakaita kutambira ring ravakatsvagirwa naVaAhmed.

Amai Mugabe vakazoti vave kuda kudzoserwa mari yavo yose sezvo vainge vasisade ring yacho.

VaAhmed naAmai Mugabe havana kuwirirana kuti mari iyi yodzoserwa sei zvakapa kuti Amai Mugabe vatore imba dzaVaAhamed vachishandisa vasori avo vakadzinga nechisimba vashandi vaVaAhmed.

Izvi zvakapa kuti shoroma iyi ikwire kudare repamusoro. Gweta raVaAhmed, Amai Beatrice Mtetwa, vati chikonzi chedare chatiwo chakadziviswa nemasoja ainge akapakatira pfuti kuti chipe Amai Mugabe masamanisi kuState House uye kumba kwavo kuBorrowdale Brooke inozivikanwa nerekuti Blue Roof.

Mangwanani patanga kunzwikwa nyaya iyi pange pasina magweta aAmai Mugabe asi VaPhiri vanonzi vambodaidzwa nemutungamiri wevatongi, VaGeorge Chiweshe, vachisiira nyaya panzira.

Hapana kuzivikanwa kuti vange vadaidzirwei.

Asi masikati patanga kunzwikwa nyaya iyi zvekare kwabva kwauya VaWilson Manase vachiti vari kumirira Amai Mugabe.

VaManase vaudza Studio 7 kuti ndivo vave kumirira Amai Mugabe asi varamba kutaura zvakawanda vachiti vanoda kutanga vanzwa kubva kuna Amai Mugabe mbune.

Asi mudare VaManase vange vamboedza kuti nyaya izozeyiwa rimwe zuva asi izvi zvarambwa nedare.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaJeremiah Bamu, vanoti Amai Mugabe nevamwe vatungamiri havafanire kudzivisa zvikonzi zvematere kuita basa vachiti mitemo ikasaremekedzwa nyika inozita wada watonga muzinda wenyuchi.

Hurukuro naVaJeremiah Bamu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG