Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogunun'una neKushaya Mari muMabhanga


Dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuenderera mberi uye mabhanga ese nhasi ange aine mitsetse yakareba yevanhu vange vachida mari uye vazhinji vataura neStudio 7 vanoti vave kubatwa neseri kweruoko nemabhanga.

Zvichitevera kupera kwezororo rekisimusi, mabhanga amuka aine mitsetse yakareba uye kusvika nguva dzemasikati mamwe mabhanga ange apera mari uyewo mamwe akaita seEcobank neCabs ange aine mitsetse yakareba vanhu vachigunun’una kuti vange vasiri kubatwa zvakanaka.

Mamwewo mabhanga ave kupa vanhu mari mukati chete uye haachashandisa maATM.

PaEcobank yepamigwagwa yaNelson Mandela naAngwa papotsa paita mhirizhonga mushure mekunge,vanhu vatsutsumwa kuti pange pane huwori hwange huchiitwa pachipinzwa mubanga vanhu vange vasi mumutsetse.

Vamwe vange vari pamutsetse webhanga iri avo vasina kuda kudomwa nezita vanoti havana kufara nemabatirwo avaitwa nebhanga ravo.

Mumwewo mudzimai ati anonzi Amai Portia anoti ashushikana zvikuru kuti amira pamutsetse kubva mangwana kusvika pavharwa bhanga asi akatadza kutora mari.

Vanhu vakawanda vange vakatsamwa zvikuru nekuita kwemabhanga uye kunyange hazvo mamwe acho ange ari kupa vanhu madhora mazana matatu $300 vazhinji vati mabhanga ari kutora nguva yakareba kupa vanhu mari dzavo.

Asi vamwewo vakaita saVaSam Chandiwana vati mabhanga handi dambudziko asi kuti vari kutonga nyika ndivo vari kuvhiringa kushanda kwawo.

Nyika yakatarisana nedambudziko rekushaya mari rinotyisa izvo zvave kuita kuti vanhu vaswere vari mumabhanga vachitsvaga mari.

Pari zvino mamwe mabhanga ari kupa vanhu madhora makumi mashanu paATM kozoti madhora mazana emaBond Notes mukati pazuva.

Kunyange hazvo veReserve Bank of Zimbabwe vakaunza maBond Notes kuti ashande semari izvi hazvina zvazvakabatsira sezvo vanhu vari kutdza kuwana mari dezavanoda mumabhanga.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti MaBond Notes haana zvaari kubatsira uye havawoni sekuti ane zvaachazobatsira mugore rinoouya.

Hatina kukwanisa kutaura nesangano rinomiririra mabhanga reBankers Association of Zimbabwe kana veRBZ kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti dambudziko remari richapera chete kana maindasitiri ave kushanda nyika yave kugadzira nekutengesa zvinhu zvakwanda kunze uyewo kana nyika yave kukwanisa kukwezva vekunze kuti vazosima mari yavo muno.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG