WASHINGTON —
Mutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi vanoti vanhu gumi nevatanhatu vakashaya nemusi weSvondo pazuva rekisimusi.
Chief Superintendent Nyathi vanoti chakanyanya kukonzera njodzi idzi vatyairi vedzimotokari vainyanya kumhanya.
Huwandu hwevanhu hwafa hwakawanda zvakanyanya kudarika gore rapera pakafa vanhu vana.
Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti migwagwa yemuZimbabwe haina kumite zvakanaka zviri kupa kuti vanhu varasikirwe nehupenyu.